English Manyika Ndau Shona 

Ndiwe Imba Yavanogara

Chitatu, 8 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Muviri wenyu imba inogara Mweya Mutsvene. Hamuzvizivi here? Mweya Mutsvene ava vari mamuri. Makavapiwa naMwari. Saka hamuchisiri varidzi venyu' (1 Vakorinde 6 ndima 19)

Vana vaIsiraeri vaifamba vakatakura Mwari. Izvi ndizvo zvavaiita muSungano yeKare. Mwari ava vainge vari muMusasa weKunamatira. Mumusasa umu ndimo maivavo neMukoko weSungano.

Asi muMukoko uyu mainge musina zvinhu zvakawanda. Maingova nemahwendefa chete. Iwo aya akanga akanyorwa Mitemo yaMwari. Mahwendefa acho akanga ari maviri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinozviverenga muna 1 Madzimambo 8 ndima 9. Inoti, 'Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti'.

Isu tava muSungano Itsva. Moyo wako ndiwo wava Mukoko waMwari uyu. Mauri ndimo mune Shoko raMwari. Rangarira mashoko akambotaurwa naMwari. Tinoaverenga muna Jeremiya 31 ndima 33. Inoti, 'Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,' ndizvo zvinotaura Jehovha. 'Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu'. Izvi ndizvo zvakaitika kwatiri isu. Zvakaitika paya patakazvarwa kechipiri.

Ipapo ndipo patakazvarwa neShoko raMwari. Tikava vanhu verudzi rweShoko raMwari. Saka tava Shoko raMwari. Tava tsamba. Iyo tsamba 'yaMuponesi. Yakanyorwa nesu. Kwete nemavoko. Asi naMweya vaMwari vanorarama. Tsamba yakanyorwa pamoyo. Unova hwendefa renyama. Kwete rebwe'. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Vakorinde 3 ndima 3. Mwari ngavakudzwe.

Saka wava Mukoko waMwari. Wava imba inogara Mwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Vakorinde 6 ndima 16. Inoti, '' Nokuti imi muri imba yaMwari vanorarama. Sezvo Mwari vakataura vachiti, 'Ndichagara mavari. Ndichifamba ndiri mavari. Ndichava Mwari wavo. Ivo vachava vanhu vangu'. Saka Mwari vava kugara mauri. Mavoko avo ava mumavoko ako. Makumbo avo ava mumakumbo ako. Vava kufamba vari mauri. Vachishandisa muromo wako kutaura.

Saka ungaenda kumwe kunhu. Mwari vanotoendakovo newe. Iwe uri mavari. Ivo vari mauri. Hauchangogari uri pana Mwari. Wava kutofamba wakavatakura. Saka ungasvika panzvimbo. Mwari vanenge vatosvikavo panzvimbo iyi. Ndiko kusaka Vakorose 1 ndima 27 ichiti, 'kuti Muponesi agare mamuri. Mugova vanhu verudzi rweVamwari'.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndava munhu weVamwari. Uye makaita kuti moyo wangu uve iwo musha wamunogara. Mweya Mutsvene vanogara mumoyo mangu. Ndimo mavanoshandira mabasa avo vari. Mweya Mutsvene ava vanotova Mwari pachavo. Saka vanhu vanovona Mwari pahupenyu hwangu. Satani haachina nzvimbo muhupenyu hwangu. Zvinhu zverima hazvichina nzvimbo muhupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 1 ndima 26 kusvika 27
Varoma 8 ndima 10
Johane 14 ndima 16 kusvika 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church