7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chiraga
English
Manyika.Am
Ndau
Shona
Wakatumwa SeChapupu
Svondo, 1 Kurume 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
“Kune munhu akatumwa. Akatumwa naMwari. Zita rake ainzi Johane” (Johane 1 ndima 6).
Mumwe munhu angataura achiti, “Mwari vakandituma”. Asi kune vamwe vanopokana nazvo. Vanoti hapana munhu anofanira kutaura achidero. Asi Magwaro anotitendera kutaura tichidai. Tinozvivona mumashoko aIshe Jesu. Tinoverenga mashoko acho muna Johane yemakumi maviri ndima yemakumi maviri neimwe. Inoti, “Ndava kukutumaivo. Kuita basa randakatumwa naBaba vangu”. Johane akanga akatumwavo naMwari. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Iwe wakafananavo naJohane uyu. Wakatumwavo naMwari. Wakatumwa sechapupu. Wakapiwa simba raMweya Mutsvene pawakatumwa kudai.
Iwe hausi kungombeya nenyika ino. Unotova nebasa rauri kufanira kuita. Mwari ndivo vakakutuma kuita basa racho. Uri nhume yaMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yemakumi maviri. Inoti, “Saka tiri vamiririri vaMuponesi. …”. Wakatakura chiedza. Unotova chiedza. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Matiyo yeshanu ndima yegumi nena. Inoti, “Imi ndimi chiedza chenyika. …”. Wakatumwa kuzopa vanhu chiedza. Uchivavhenekera munzira dzavo. Uchiunza chiedza cheshoko reRuponeso kudzinyika.
Une basa rawakazvarirwa. Saka usarega vanhu vachikurevera nhema. Vachiti hauna chawakagarira panyika pano. Wakauya kuzopupurira Jesu kuvanhu. Vanhu vanofanira kuvona Mwari pahupenyu hwako. Saka unofanira kuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu. Tenzi havana kungokuraira kutendeusa vanhu. Vanoda kuti uvaite vadzidzi vavo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yemakumi maviri nesere ndima yegumi nepfumbamwe kusvikira makumi maviri. Inoti, “Saka endai henyu. Dzidzisai marudzi ose. Muvapinze muzita raBaba. Rinova zita reMwanakomana, nero Mweya Mutsvene. Muvadzidzise kuita zvose zvandakakurairai imi. Ini ndichange ndiinemi. Kose kwamuchaenda. Kusvikira nyika ino yaguma”.
Saka ungasvitsa Ruponeso kuvanhu. Vanhu ava vanofanira kubva vakutevera. Vachiongorora kuvimba kwako naMwari. Vachikutevedzeravo. Vanofanira kukutevera muShoko raMwari. Vanofanira kunamata sewe. Vanofanira kushumira Mwari sewe. Vanofaniravo kutevera waunotevera iwe. Kureva kuti vanofanira kuva nhengo dzesangano raunopinda iwe. Izvi ndizvo zvainzwisiswa naPauro. Tinoverenga mashoko ake mutsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chegumi nechimwe ndima yekutanga. Inoti, “Tevedzerai zvandinoita. Seni ndichitevedzeravo Muponesi”. Unofanira kutungamirira vanhu munzira yauri kufamba iwe. Izvozvo ndizvo zvinoita vadzidzi chaivo. Vanoita kuti vamwe vanhu vavevo vadzidzi. Saka zvipire kutendeusa vanhu. Une basa rawakapiwa. Mwari ndivo vakakupa basa iri. Shinga kuita basa racho. Utendeke kuriita.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandituma sechapupu chenyu. Munoda kuti ndipupurire vanhu vandinosangana navo. Ndinorarama muchiedza cheShoko renyu. Simba renyu rinogara richivonekwa pandiri. Ndinoita kuti vanhu vave vadzidzi venyu. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene kuita izvi. Ndichivadzidzisa hupenyu hwekururama. Ndakashinga kuita basa rangu. Ndakatendeka kuriita. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 24:45-48; Mabasa 1:8; Mabasa 5:29-32
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church