Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
Iwo anokubatsira Kugadzirira Zvichauya
Mugovera, 10 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Akaafambisa nenzira yakarurama kuenda kutaundi raaizogara (Mapisarema 107 v 7).
Mwari ndiwo akabudisa ana vaIsiraeri muEgipita. akaaendesa kunyika yaakanga avavimbisa. Asi haanaba kuapfuudza nemunyika yeVafirisitiya. Nzira iyi ndiyo yaiwa pfupi hayo. Asi Vaisiraeri awa akanga ari aranda muEgipita. Saka akanga asati akamborwa hondo. Haaizokona kumirisana neVafirisitiya. aizoatiza.
Saka ishe akaaendesa nenzira yekutenderera. Iyi inzira yaipfuura nepanyanza tsvuku. Ichizonodarika nemudhezeti. Munzira iyi ndimo maakaona zvishamiso. Mwari akaapa zvekundya. Nezvekupfeka. Mwari akawanawo nguwa yekuzvitaridza kuVaisiraeri munzira iyi. akazvitaridza seMurapi wawo. akazvitaridzawo seMufudzi wawo. Vaisiraeri aya akazosangana nehondo. Apa akanga agadzirira. akabva aziya Jehovha seMurwiri wawo.
Izvi zvinorewa kuti Mwari anogadzirira anhu awo. Anotanga aabatsira kuwimba nawo. ozoarekera achisangana nezviro zvingaarwisa. Pangaa nezviro zviri kuitika muhupenyu hwako. Zviro zvacho zvingasawa zvakakunakira. Saka ungashaiwa kuti sei zviri kuitika. Kuda wawa nenguwa wabarwa kechipiri. Futi unonamata maningi. Asi une zviro zvisati zvakumirira zvakanaka. Usanetseka hako. Mwari anokona kunge achiri kukubika. Saka wimba nawo. Taura uchiti, Ini ndichiri kufunda. Futi ndiri kukura. Saka ndiri kusvika basi! Mwari ngaakudzwe saMwari!
Ndinorangarira ndichiita vhuserere rangu rekutanga. Ndakanga ndichine makore gumi nemashanu. Ndakanga ndambotanga ndichipinda mudzimba. Ndichiparidzira anhu. Ndichiparidzira andaisangana nawo. Ndichiparidza kumabasa. Nemuzvikoro. Ndichiparidzirawo anhu ezera rangu. Haasi ese aigamuchira masoko angu. Asi handina kunetseka naizvozvo. Ndaida kundoita zvakarairwa NaJesu. Iwo akatiti tiparidze.
akawanda aigamuchira masoko angu. achiponeswa. Asi haaenzani neandaa kuparidzira izvozvi. Ndaisakona kutaura kuanhu akawanda panguwa iyoyo. Mwari aisandiunganidzira zviuru makumi maviri zveanhu panguwa imwe basi panguwa iyi. Ndaifanira kutanga ndambobikwa. Ndambokura. Kutaura kuanhu akawanda kudai ibasa guru. Rinoda munhu akabikwa. Rinoda munhu akura. Asi izvozvi ndakura. Ndaa kutaura kuzviuru zvezviuru zvezviuru zveanhu panguwa imwe basi.
Isu tinowanzakuda kuti zviro zvimhanye. Ndiko kusaka midziyo yemazuwa ano ichimhanya maningi. Asi Mwari haashandi achidaro. Iwo akagara aripo. Ndiwo Mutana weMakore. ane mashandiro awo. ane nguwa yawo. Futi ane zvaakananga. Saka anotanga atigadzirira. achiita kuti tikone kumirisana nezvichauya mangwana.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Munonditungamirira nenzira yandinofanira kufamba nayo. Muchindigadzirira kuti ndizokurira zvandinosangana nazvo. Ndichiita zviro zvinokufadzai imi. Ndinovimba nemazano enyu. Ndinoshanda nenguwa yenyu imi. Ndichikura. Hushasha hwangu huchiwedzera. Kuti ndikone kurarama hupenyu chaihwo hwamakandirongera. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Ekisodho 13 ndima 17 kusvika 18
Varoma 5 ndima 3 kusvika 4
Jakobo 1 ndima 2 kusvika 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church