Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Ndiwe Unope Chiedza KuNyika Ino
China, 5 Gunyana 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino (Johane 9 v 5).
Rakanga riri rimweni zuwa. Jesu akanga ari kufamba hawo. akabva aona umwe murume. Murume uyu akanga ari bofo. Akanga atobarwa ari bofo kudai. Apa Jesu akanga aine adzidzi awo. Adzidzi aya akabva abvunza Jesu. aida kuziya kuti sei murume uyu akanga ari bofo. Ndiye akanga ashaisha ere? Kana kuti abereki ake ndiwo akanga ashaisha? Jesu akaapindura. akati hupofo uhu hwakanga husineiba nezviwi zveanhu aya. Izvi ndizvo zvatinoona muna Johan 9 v 3 kusvika 4 yacho. Asi Jesu akabva areketa amweni masoko. Masoko acho anoshamisa maningi. Tinoaona muvhesi 5 yacho. Inoti, Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino.
Jesu akabva aita chimweni chiro. Chiro ichi chaishamise maningi. akapfire pasi. kwakubva akanye ivhu. Kwakubva atora ivhu riya. Kwakurizorere pamadziso emurume uyu. Kune anhu akatsvake kunatse kuzwisisa nyaya iyi. Anhu aya anoti murume uyu aisandowa bofo basi. Akanga asitorina madziso acho. Kureketa kuti Jesu akanga ashandura ivhu. akariita kuti awe madziso. akaita izvi musure mekunge ati, Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino. Unoziya zvinoreketa masoko aya ere?
Jesu aisisenzese masoko anoti, NDINI. Pese apa akanga ari kureketa zvakanga zvambotaurwa ndiMwari. Mwari akanga amboshandise masoko aya he. akaashandise paakanga ari kutaura naMosesi. Mosesi akanga aabvunza zita rawo. Mwari akabva amupindura. akati, NDINI UYA ASINGASHANDUKIBA. Apa Mwari ane zvaakanga ari kutaura kuna Mosesi. akanga ari kumuti, Ndinowa zvaunoda kuti ndiwe. Ungada kusungunurwa. Ini ndinobva ndaa musungunuri wako. Ungada kuponeswa. Ini ndinowa ruponeso rwako. Ungada kuporeswa. Ini ndinowa kuporeswa kwako. Chii chaicho chaunoda? INI NDINI ZVAUNODA IZVOZVO.
Hino Jesu akatiwo, NDINI. Akanga ari kundotaurawo saMwari. akanga ari kuti, Ndinowa zvaunoda kuti ndiwe. Iwo akaona murume. Murume uyu akanga asina madziso. Iwo akabva ati, Ndini chiedza chenyika ino. Bhaibheri rinoti, Dziso mwenje. Ndiro mwenje wemwiri. Izvi ndizvo zvatinoona muna Matiyo 6 v 22. NaRuka 11 v 34. Saka Jesu akanga ari kuti, Ndini madziso enyika ino. Nyika inofanira kuwa neni. Zvisizvo haingakoniba kuona. Jesu akabva atopangidza kuti ndiwo madziso enyika pashuwa. akabva apa murume uyu madziso.
Asi hezvinoi zvinoshamisa zvacho. Jesu aya ane masoko aakazoreketa. Tinoaerenga muna Matiyo 5 v 14. akati, Imi ndimi chiedza chenyika. Kureketa kuti iwe wakafanana nawo. Newewo unopa nyika madziso. Unoita kuti nyika ikone kuona. Nyika inofanira kuwa newe. Zvisizvoba haingaoniba. Iwe ndiwe unopa nyika gwara. Ndiwe unoite kuti ione zvakajeka. Saka chitaura uchiti, Ini ndini chiedza chenyika ino. Saka ungasangana neumwe munhu. Munhu uyu angva akasurukirwa. Unokona kumusiya aakufara. Pangaitawo umwe munhu. Munhu uyu angaa bofo. Iwe ungasvika paari. Anokona kusara awakuona. umwewo angaa ari kurwara. Munhu uyu anokona kusara apora. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Makandiita chiedza munyika ino. Makandishongedza. Saka ndaa kukona kuita kuti anhu awe netariro yezvakanaka. Ndaa kukona kuporesa anhu. Nekuasungunura. Chiedza chenyu chiri mandiri. Chiedza ichi chinodzinga rima. Ndinokutendai. Makandiita chitubu cherudo rwenyu. Pandiri pava kuwanikwa rugare. Mufaro. Tariro. NeSoko raMwari. Nyika yava kukona kuona zviro izvi pandiri. Inozviona kunyangwe munyika muine njodzi kudai. Ndinokutendai Baba. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Matiyo 5 ndima 14 kusvika 16
Vaefeso 5 ndima 8
Vafiripi 2 ndima 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church