English
Ndau
Shona
Mazuva EZvakanakisisa
Mugovera, 11 Ndira 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ndizvo zvinoita murimi. Anomirira mbeu yake. Anoimirira kwenguva refu. Achitsvaka kuti imere muvhu. Achimirira kuti mvura inaye. Kutanga mvura yekumeresa yacho. Kuchizotevera yekuibvisa yacho. (Jemusi 5 ndima 7 kusvika 8).
Ishe Jesu vakambotsanangura Mwari Baba. Vakavati ivo ndivo murimi wacho. Vakati isu tisu zvibereko zvenyika. Iyesu muviri waMuponesi. Tisu zvibereko zviya zvavakamirira. Jemusi anotaura zvimwe chete izvi. Ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Anoti murimi anomirira chose. Kusvikira mvura yekutanga yanaya. Pamwe nemvura yekupedzisira. Izvi ndizvo zvataverenga muna Jemusi 5 ndima 7.
Isiraeri yakatowana mvura yekupedzisira iyi. Ndiyo yakanaya musi waburuka Mweya Mutsvene panhume dzaJesu. Pita ndiye akatizivisa izvi. Tinozvivona mumashoko aakataura musi wacho. Tinoverenga mashoko acho muna Mabasa 2 ndima 16 kusvika 17. Inoti, Hezvinoi zviri kutaurwa naMwari. Ndichadurura Mweya wangu. Ndichaudurura panyama yose. Ndichaita izvi pamazuva okupedzisira. . Apa ndipo pakatanga kunaya mvura iyi. Iyo mvura iya yakanga yanzi ichanaya pamazuva ekupedzisira.
Hosiya 6 ndima 3 inodzikisa nyaya iyi. Inoti, Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika. Apa Hosiya ane mvura yaari kutaura nezvayo. Mvura iyi yakatumwa kuIsiraeri. Yakatumwavo kuSangano reVamwari. KuVaisiraeri yakanga yava mvura yekupedzisira. Asi kuSangano reVamwari ndiyo yakanga iri mvura yekutanga.
Mvura yekutanga ndiyo inoshandiswa pakudzvara. Imvura inonaya mushure mekunge Shoko raMwari radzvarwa. Ichiita kuti Shoko iri rimere. Richizokura. Mabasa yechipiri ndiyo inotitsanangurira kutanga kweSangano reVamwari. Sangano iri rakatanga pakaburuka Mweya Mutsvene.
Hagai ane runako rwaanotaura nezvarwo. Urwu rwakanga ruri runako rwaidarika rwekare. Tinoverenga mashoko ake muna Hagai 2 ndima 9. Inoti, Runako rweTembhere iyi yeshure ruchava pamberi kupfuura yakare iya. Mvura yekutanga yakanga yakanaka hayo. Asi inodarikwa nemvura yekupedzisira. Mvura yekupedzisira yacho ndiyo yava kunaya mumazuva edu ano. Tiri kurarama mumazuva ezvakanakisisa. Simba raMwari richanyanya kuvonekwa paSangano reVamwari.
Pita. NaJemusi. NaJohane, vakararama mumazuva ekupedzisira eIsiraeri. Isu tiri kurarama mumazuva ekupedzisira eSangano reVamwari. Isiraeri yakatowana mvura yayo yekupedzisira. Asi mvura iyi ndiyo yaiva yekutanga kuSangano reVamwari. Mvura iyi yava kusvika kumugumo wayo zvino. Isu tisu tiri kuzovona kuguma kwemvura iyi. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinofara kuziva kuti ndiri chimwe chezvibereko zvenyu. Izvo zvibereko zviya zvamunokoshesa. Ndakadiridzirwa nemvura yekutanga. Ndikazodiridzirwazve nemvura yekupedzisira. Ndinokutendai. Simba renyu riri kuvonekwa muSangano reVamwari. Riri kuvonekwa pamazuva ano ekupedzisira. Ndakagarwa naMweya venyu nhasi. Simba ravo ndiro randiri kushandisa pakurarama kwangu. Ndiri kubereka zvibereko zvekururama. Ndiri kuita mabasa ekururama. Mabasa aya ari kushandura zvinhu panyika pano. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 2 ndima 16 kusvika 17
Joere 2 ndima 23
Zekaria 10 ndima 1
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church