English Manyika Ndau Shona 

Kurarama Uri Muna Mweya Mutsvene

Svondo, 5 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa' (Varoma 8 ndima 11).

Munhu angada kurarama hupenyu hweChikristu. Munhu uyu anofanira kuva naMweya Mutsvene. Zvisizvo haangagoni kurarama hupenyu uhu. Angaidza hake kuhurarama. Asi zvinozongova zvetsika chete. Jesu vaiva nenhume dzavo. Nhume idzi dzakafanira kuva naMweya Mutsvene. Ivo Jesu vakafanira kuva naMweya Mutsvene. Vatsvene vekutanga vakafanira kuva naMweya Mutsvene. Nesuvo tinofanira kuva naMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene vari matiri. Asi kune vanofunga kuti varipo kuti titaure nendimi chete. Izvozvo hazvisi izvo. Mweya Mutsvene vane mabasa avanoita matiri. Mabasa aya akawanda. Mamwe acho vanomaita matiri. Mamwe vanotiitira. Mamwe vanotishandisa kuaita. Tine zvataverenga mundima yatavhura nayo. Iwe chimbofunga pamusoro pazvo. Izvozvo zvekuti Mweya Mutsvene ndivo vanoraramisa miviri yedu yenyama. Vachiita kuti isafa. Kureva kuti hapana chako chinofanira kufa. Mweya Mutsvene ava vanogara mauri. Ndivo Mwari vanoraramisa zvinhu. Hareruya!

Vakawanda vakasiimba ndima yatavhura nayo iyi. Asi havana kumboziva zvainoreva. Shoko raMwari rinofanira kugamuchirwa. Saka imbofunga pamusoro peshoko iri. Iroro rinoti Mweya Mutsvene vanogara mauri. Basa ravo riri rekuraramisa muviri wako wenyama. Vachiita kuti usafa. Saka iwe unofanira kutauravo. Uchiti, 'Muviri wangu mupenyu. Wava weropa raMwari. Saka ndinogara ndiri mutano. Muzita raMuponesi Jesu. Ameni.'

Mwari vanoda kuti unge wakashinga. Usingatyi rufu. Ita zvakanga zvakaita Pauro. Pauro ane nyoka yakamuruma. Nyoka yacho chaiva chikara. Asi Pauro haana kuvhunduka. Vanhu vaitarisira kuti achafa. Asi iye haana kufa. Akazuzira nyoka yacho muchoto. Pauro ane zvaakanga achiziva. Aiziva kuti aiva naMweya Mutsvene. Saka hapana chaigona kumukuvadza.

Kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti hauchisiri werudzi rwevanhu venyika ino. Wava werudzi rwekudenga. Saka wava kurarama nekusingaperi. Hazvichagoni kuti uparadzwe. Hazvichagoni kuti ukundikane. Kana kukurirwa. Kana kufa! Aya ndiwo mafungiro awava kufanira kuita. Mweya Mutsvene ndivo vava kukuraramisa. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Rinoti Muponesi vava mukati mako. Muviri wako wenyama unogona kunge wanga wakafa hawo. Muviri uyu unogona kunge wakavurawa nechivi. Asi Mweya Mutsvene vava kuuraramisa. Vanouraramisa nokuda kwekururama. Tinoverenga izvi muna Varoma 8 ndima 10. Iwe wakashanduka rudzi. Wava weropa reVamwari. Izvozvo ndizvo zvaunofanira kugara uchirangarira.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune hupenyu hwamakandipa. Uhu hupenyu hwekugara ndichikunda. Makandibvisa munzvimbo inofa zvinhu. Mukandipinza munzvimbo inorarama zvinhu. Saka hazvichagoni kuti ndiparadzwe. Rufu haruchagoni kunditonga. Zvinoparadza zvenyika ino hazvichandigoni. Ndava munhu weropa reVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaRoma 8 ndima 10 kusvika 11 ESV
Johane 1 ndima 12 kusvika 13
2 Timoti 1 ndima 9 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church