English Shona 

Kuroverwa Kwavo. NeKumuka Kwavo

Chitatu, 4 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva (Mapisarema 16 ndima 10).

Vavoni vakagara vataura nezvaIshe Jesu. Vakataura pamusoro pekuzvarwa kwavo. Vakataura pamusoro pehupenyu hwavo. Vakataura pamusoro pekufa kwavo. Vakataura pamusoro pekumuka kwavo. Vakazotaura pamusoro pekukwira kwavo kudenga. Ndiko kusaka Ishe Jesu vakataura muna Vahebheru yegumi ndima yenomwe vachiti, ... Tarirai. Ndauya kuzoita zvamunoda. Imi Mwari. Ndini uya akanyorwa mumagwaro. Vavoni vekanga vataura kuti Jesu vakanga vachazoroverwa pamuchinjikwa. Izvi zvakanga zvava nechiuru chemakore zvataurwa. Tinozvivona muna Mapisarema yemakumi maviri nembiri. Verenga nhoroondo yacho yose. Inotsanangura zvakanga zvichazoitika pakuroverwa kwaJesu pamuchinjikwa.

Zekariya akatauravo pamusoro pekufa kwaJesu. Akanga akutaridzwa mumweya. Tinoverenga mashoko ake muna Zekariya yegumi nembiri ndima yegumi. Inoti, ... Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema .... Apa Zekariya akanga ataridzwa Jesu vachibayiwa zvanza zvavo. Vachibayiwavo tsoka dzavo. Izvi ndizvo zvakazoitikavo. Zvakaitika musi wavakaroverwa pamuchinjikwa.

Mapisarema yegumi netanhatu ndima yegumi inotauravo pamusoro pekumuka kwaJesu. Inoti, Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva. Ishe Jesu vakafa pamuchinjikwa. Mweya wavo wakabva waenda kugomba remoto. Vakaendako nokuti vakanga vatora zvivi zvevanhu vose. Ivo ndivo vakanga vava kuvonekwa sandivo vakapara zvivi zvacho. Saka vakanga vavavo mutadzi. Zvino mutadzi wose aifanira kuenda kugomba remoto.

Asi Jesu vakanokurira Satani mugomba remoto umu. Vakakuriravo mweya yose yerima. Vakabva vamuka kuvakafa. Izvi zvaida kufanana nezvakaitika kuna Jona. Jona 1 ndima 17 inoti, Asi Jehovha akatuma hove huru kuti izomedza Jona, uye Jona akava mudumbu mehove kwamazuva matatu nousiku hutatu. Jona uyu akanga aripo kutitaridza zvakanga zvichazoitika kuna Jesu. Izvi ndizvo zvatakaziviswa naIshe Jesu. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo 12 ndima 40. Inoti, Nokuti zvakaitika kuna Jona ndizvo zvichaitika kuMwanakomana wemunhu. Jona akava mudumbu rehove. Hove iyi yakanga yakakura. Akaita mazuva matatu, nehusiku hutatu, ari imomo. Mwanakomana wemunhu achavavo muvhu. Achaita mazuva matatu, nehusiku hutatu, arimo.

Mapisarema 110 ndima 1 inotaura pamusoro pekukwira kwaJesu kudenga. Inoti, Jehovha akati kuna She wangu, Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. Ndima iyi yakanga iri kutaura pamusoro paIshe Jesu. Izvi ndizvo zvavakataura ivo pachavo. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo 22 ndima 41 kusvika 45. Inoti, Vafarise vakabva vaungana. Jesu vakavabvunza. Vakati, Munofungei pamusoro paMuponesi? Munofunga kuti Mwanakomana waani? Vafarise vakapindura. Vakati, Mwanakomana waDhavhidhi. Jesu vakati kwavari, Saka sei Dhavhidhi akati Muponesi ndiIshe wake? Mweya Mutsvene ndivo vakamutuma kutaura mashoko aya. Tinoaverenga panoti, Ishe wakati kunaShe wangu, Gara kurudyi rwangu. Kusvikira ndakurira vavengi vako vose. Dzava nhapwa dzako ? Saka Muponesi angagova mwanakomana waDhavhidhi sei?.

Mashoko evavoni aya akakosha zvikuru. Anotibatsira kunzwisisa mashoko aJesu. Iwo mashoko aya avakataura pamusoro pekufa kwavo. Pamwe nekumuka kwavo. Mashoko aya anosimbisa kuti Jesu vakanga vari Mwanakomana waMwari chaiye. Kureva kuti vakanga vachitova Mwari pachavo. NdiMwari vakanga vauya vari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yekutanga ndima yechina. Inoti, Mweya wehutsvene vakamumutsa kuvakafa. Vakamumutsa vachishandisa simba guru. Zvinova zvakataridza zvoga kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Imi munondifarira. Makataridza izvi mukufa kwaMuponesi Jesu. Kuvigwa. Pamwe nekumuka kwavo kuvakafa. Ndinokutendai. Muponesi Jesu ava vakatirwira hondo huru. Vakatikundira. Kureva kuti isu takatokunda. Ndinorarama semunhu akarwirwa kudai. Ndichiparidza kuti Jesu ndivo Ishe. Ndichiparidzavo kururama kwavo pasi rose. Hareruya!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mapisarema 22 ndima 14 kusvika 16
Isaya 53 ndima 5
Matiyo 28 ndima 5 kusvika 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church