English Ndau Shona 


Chakanaka Hachina Anoramba

Chitatu, 10 Chikunguru 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

munhu anonzwisisa ane mweya wakaisvonaka (Zvirevo 17 ndima 27).

Kune vanhu vanoita zvinhu zvinofadza. Vanhu vakadai vanotoshingaira kuita zvinofadza. Saka iwe dzidzisa mweya wako. Mudzidzise kuita zvinhu zvinofadza. Urangarire mashoko aIshe Jesu. Iwayo atinoverenga muna Matiyo 5 ndima 14. Inoti, Imi ndimi chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.

Ndima yegumi netanhatu yacho inoti, Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu. Kuti vavone mabasa enyu akanaka. Vagokudza Baba venyu vari kudenga. Nokuziva kuti Baba ava. Ndivo Mwari. Kuda uri kuvhenekera hako. Asi uri kuvhenekera zvakakwana here? Uri kupa chiedza chakakwana here? Vanhu vangasakunzwisisa. Asi iwe shingaira pamabasa ako. Uchitsvaka kuaita nomazvo. Vanhu vanofanira kuzodzidza kwauri. Iva munhu anovimbika. Anogona kurarama nemitemo. Akatsiga. Vanhu vanozoda kushanda newe.

Kune vamwe vanoita mabasa avo zvakaisvonaka chaizvo. Nokudero vanogara vachiwedzerwa mamwe mabasa okuita. Kubasa kwavo kungaita mabasa matsva. Mabasa aya ozongobva apiwa kwavari. Iyi imhaka yekuti vanenge vaita mbiri yekushanda zvinofadza. Chakanaka hachina anoramba.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya werunako uri kushanda mandiri. Ndinogara ndichiita zvinhu zvinofadza. Nokudero chiedza changu chinogara chichiwedzera kupenya. Zvichiita kuti zita renyu rikudzwe. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinogara ndichishingaira. Ndichitsvaka kuita mabasa angu nomazvo. Nokudero nyasha dzenyu dzinovonekwa pahupenyu hwangu. Kunaka kwenyu kunovonekwa pahupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Danieri 6 ndima 1 kusvika 3
Zvirevo 22 ndima 29

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church