English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
TORA Nyasha Dzose Dzaunoda
Chitatu, 2 Gumiguru 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi (Varoma 5 ndima 17).
Mundima iyi mune shoko rinoti kutora. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Lambano. Shoko iri harirevi kugamuchidzwa chinhu. Uchichigamuchidzwa wakamira. Kwete. Rinoreva kutora chinhu. Unochitora kudai uchibva wachiita chako. Zvino Bhaibheri rataura pamusoro pevamwe vanhu. Vanhu ava ndivo vaya vanotora nyasha. Vanodzitora dzakawanda. Vanotoravo chipo chekururama. Vanhu ava ndivo vanotonga muhupenyu huno. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri.
Iwe unoda nyasha dzakawanda zvakadini? Uye unoda kushandisa nyasha dzacho kuitei? Ishe vari kuti kwauri, Tora hako nyasha dzacho. Tora dzose dzaunoda. Izvi zvinotirangaridza mamwe mashoko aPauro. Akanga ari kutaura kuna Timoti. Tinoverenga mashoko acho muna 2 Timoti 2 ndima 1. Inoti, Saka iwe mwanakomana wangu. Batirira panyasha dziya. Dziri muna Muponesi Jesu. Saka Timoti akanga akafanira kutora nyasha dzaMwari. Akanga akafanira kutora dzose dzaaida. Ndiko kutora kwatinofanira kuita nyasha. Tinofaniravo kutora kururama kwaMwari. Asi takatopimirwa kururama uku. Munhu wose anopiwa kururama kwakaenzana nekwevamwe. Hapana anotora kwakawanda kudarika kwevamwe.
Saka usashingaira. Uchitsvaka kuva munhu akarurama. Hauna kwaunosvika kana ukadero. Haugoni kuva wakarurama nenzira iyi. Gamuchira kururama kwavo ivo. Tora kururama kwavo ivo. Ugotoravo nyasha. Nyasha unofanira kuita dzekutora dzakawanda. Uye unofanira kudzishandisa muzvinhu zvose zvehupenyu hwako. Dzimwe nyasha dzacho dzingava dzekushandisa kubasa kwako. Dzimwe dzingava dzekuti uve nyanzvi pamitambo yako. Tora nyasha dzose idzi. Uve mhare chaiyo. Vanhu vanofanira kusvika pakushamiswa newe. Izvozvo ndizvo zvaunoshuvirwa naMwari.
Shandisa nyasha dzavo pakurarama kwako. Mwari vanobva vadada newe. Vachitsvaka kuti vanhu venyika ino vakuvone. Mwari vanozokutaridzavo kungirozi. Nekumasimba ose. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso 3 ndima 10. Inoti, Vaine chinangwa chekushandisa vasanangurwa vavo. Vachivashandisa kutaridza njere dzaMwari. Vachidzitaridza kuvabati. Nekumasimba ari mumhepo. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba venyasha. Ndinokutendai. Nyasha dzenyu dziri kushanda muhupenyu hwangu. Ndidzo dziri kuita kuti ndibudirire pane zvose zvandinoita. Dzichiitazve kuti ndirarame hupenyu hwandakarongerwa naMwari. Nyasha ndidzo dzinotungamirira zvose zvandinoita. Saka nyika inoshamiswa neni. Nyasha idzi dzinogara dzichiwedzera muhupenyu hwangu. Dzinowedzera pandinowedzera kunzwisisa Shoko raMwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 2 ndima 8 kusvika 9
Vahebheru 4 ndima 16
2 Vakorinde 9 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church