English Shona 

Tinoshanda Pamwe NaMwari

Muvhuro, 6 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti tinoshanda pamwe chete naMwari. Imi ndimi munda wacho. WaMwari. Ndimi chivakwa chacho. ChaMwari (1 Vakorinde 3 ndima 9).

Iwe unofanira kuwirirana naMwari pazvose. Unofaniravo kushanda navo pakutendeusa vanhu. Izvozvo ndizvo zvinotaridza kuti mweya wako wayaruka. Uye kuti uri kushandisa mazano aMwari pakurarama kwako. Unenge wava kunzwisisa kuti ndiwe wava kushanda navo. Unoshanda navo pamabasa avo epanyika pano. Ivo ndivo vakakupinza muna Muponesi. Vakanga vasiri kungotsvaka kuti upunyuke kurangwa. Vane basa ravakanga vakakugadzirira. Iri ibasa rekuunza vanhu munyika yaMwari. Unoshanda pamwe chete naMwari kuita basa racho.

Basa iri nderokusvitsa Ruponeso kuvanhu. Saka muka. Uite basa iri. Iroro rekuzivisa vanhu nezvaMuponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chetatu ndima yeshanu kusvika yetanhatu. Inoti, Tisingazviidzi nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari. Ivo vakatiita vashumiri vaya. Vanoshumira sungano itsva. Vanogona basa. . Tsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chechina ndima yekutanga kusvika yepiri inotivo, Vanhu ngavatinzwisise. Kuti tiri vashumiri vaMuponesi. Takachengeteswa zvakavanzika zvaMwari. Munhu anenge achengeteswa chinhu anotarisirwa kuva akatendeka. Saka ita basa iri. Iroro rekudzosa vanhu kuna Mwari. Riite nomazvo. Uchitsvaka kuti ribude zvakanaka.

Ishe vakatotaura. Mashoko avo tinoaverenga muna Mariko yegumi netanhatu ndima yegumi neshanu. Vakati, Endai munyika dzose. Muparidze ruponeso. Ruparidzei kuzvisikwa zvose. Saka iwe hauchafaniri kubvunza uchiti, Nhai Ishe! Chii chamunoda kuti ndiite? Ivo vakatotipa basa rekuita. Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nesere inoti, Uye zvinhu zvose izvi. Zvitsva. Zvakabva kuna Mwari. Ivo vakashandisa Jesu Muponesi kutidzosa kwavari. Vakatipavo basa rekudzosa vanhu kwavari.

Koshesa mabasa aMwari. Tendeusa vanhu zuva rimwe nerimwe. Mari yako ngaibatsire pamabasa aMwari. Kune vanhu vasati vaziva Ishe. Nyengeterera vanhu ava. Vanyengeterere nemoyo wose. Iva neshungu sedzaMwari. Ivo vane moyo murefu. Saka vanotsvaka kuti munhu wose aponeswe. Havana wavanoda kuti aparare. Vanoda kuti munhu wose atendeuke. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chetatu ndima yepfumbamwe.

Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nena kusvika gumi neshanu inoti, Nokuti rudo rwaMuponesi ndirwo runotidzora. Nokutiitisa zvatinoita izvi. Nokuti takavona kuti kana munhu mumwe akafa. Achifira vanhu vose. Izvozvo zvinoreva kuti vanhu vose vanenge vakatofawo. Uye munhu uyu akafira vose. Kuti vaya vapenyu vachirega kuzviraramira. Asi vararamire uya. Akavafira. Akamuka kuvakafa. Ndima iyi inotaura nezvekuraramira Mwari. Izvi zvinoreva kuraramira kuita mabasa avo. Zvinoreva kushingairira mabasa avo. Moyo wako uchikoshesa mabasa avo. Mavoko ako achivashandira. Makumbo ako achifamba munzira dzavo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndibate pamwe chete nemi mumunda wenyu. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndichiita zvinokufadzai chaizvo. Ndichivona nemavonero enyu. Ndakazvipira kubasa renyu. Ndichibudirira pane zvose zvamunoda. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 18 kusvika 20
1 VaKorinte 3 ndima 9 NIV;
Johane 20 ndima 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church