English Shona 

Nzwisisa Zvinhu ZveMweya

Svondo, 2 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvenyika ino. Dzinounza rufu. Asi pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvemweya. Dzinounza hupenyu. Nerugare (Varoma 8 ndima 6).

Isu tingava tinounza mweya yevanhu kuna Mwari. Tinofanira kusimbisa mweya yedu. Mweya yedu ndiye munhu wedu wemukati. Ndiye munhu chaiye. Ndiye akazvarwa kechipiri iyeye. Ndiye akaponeswa iyeye. Iwe unofanira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Ndiko kuti uwane maropafadzo eruponeso. Ndiko kuti maropafadzo aya ashande muhupenyu hwako.

Saka iwe unofanira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Ndiko kuti mweya wako ugone kukura. Iwe unozogona kugamchira zvinotaura Shoko raMwari chete. Unozonzwisisa kuti hauchisiri wenyika ino. Uri mweya. Unozonzwisisa kuti Mwari vanoda kuti ushandire mumweya. Hupenyu hweVamwari hunoraramiwa mumweya.

Kunyangwe uri kuunza mweya yevanhu kuna Mwari. Unozonzwisisa kuti iri ibasa repamweya. Unenge usiri kungounza vanhu kusangano rako. Unenge uri kuunza mweya yavo kuna Mwari. Saka unotaura nevanhu ava uchinzwisisa kuti naivo mweya. Hauzongovavoni sevanhu venyama. Unozovavona semweya.

Izvi ndizvo zvaiita Jesu. Ndiko kusaka vakanga vakasiyana nevanhu venguva yavo. Ivo vaishumira kumweya yevanhu. Asi tinotenda Mwari. Nesu takazvarwavo naMweya. Mwari vanoda kuti tirarame semweya. Saka tinoshandira mumweya. Iwe ungava uri kuunza mweya yevanhu kuna Mwari. Shandira mumweya. Dzidza Bhaibheri rako. Ndiro roga rinogona kukubatsira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Shoko raMwari ndiro roga rinogona kukutungamirira. Richiita kuti ukurire zvose zvaungasangana nazvo muhupenyu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu raunza chiedza mumweya wangu. Ndava kushandira mumweya. Ndava muna Muponesi. Saka ndakashanduka rudzi. Ndava kurarama semunhu anonzwisisa rudzi rwake urwu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 5 kusvika 6
2 Petro 3 ndima 3 kusvika 4 NKJV
1 Vakorinde 2 ndima 14 kusvika 15

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/YMycCQ1KN9c6YxRuxfyuGJbxB?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/vuQXCRgKM3irxVOuNhYu1SQcW?domain=bit.ly