English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Pane Mitemo Inoshandiswa Pakukumbirira Vanhu

Muvhuro, 11 Mbudzi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndiyeuchidze, ngatiitei dare, upire nyaya yako; uratidze kuti hauna mhosva (Isaya 43 ndima 26).

Isu tingava tiri kunamata. Zvikuru sei tichikumbirira vamwe vanhu. Tinofanira kugona kukakavara. Tichipupurira vanhu ava. Ndiko kuti mikumbiro yedu iyi igamuchirwe.

Minamato inosiyana. Kune munamato wekukumbirira vanhu. Kune munamato wekutora zvatakapiwa kare. Isu tingava tiri kutora zvatakapiwa kare. Apa hatinamati kakawanda. Tinongonamata kamwe chete. Tototora zvinhu zviya. Asi tingava tiri kukumbirira vamwe vanhu. Tinofanira kuita zvekunyengetera. Tichidembera. Zvisizvo zvinhu zvingashatira vanhu vacho.

Saka iwe unoenda kuna Mwari. Uchienda kwavari wakamiririra munhu wauri kukumbirira wacho. Wondonyengeterera munhu uyu. Uchimupupurira. Uchitsanangura kuti sei munhu uyu achifanira kubatsirwa. Ndiko kusaka uchifanira kunzwisisa zvinodiwa pamunamato uyu. Hausi munamato wekungosvitsa kuna Mwari. Tinenge takafanira kunzwisisa mitemo yawo. Pamwe nezvainotibvumira kuita kubatsira vanhu ava.

Saka dzidza kumiririra vanhu. Zivisa Mwari zvinodikanwa nevanhu ava. Tsvaka kunzwisisa Shoko raMwari. Ndiko kuti ugone kurishandisa kukumbirira vanhu ava. Rangarira zvakataurwa naMwari. Izvo zviya zvatinoverenga muna Isaya 41 ndima 21. Inoti, Tenzi ari kuti, pirai nyaya yenyu; muunze zvokutsigira nyaya yenyu. Ndizvo zviri kutaurwa naMambo wevokwaJakobho. Vakazotaura zvekare muna Isaya 43 ndima 26. Vakati, Ndiyeuchidze, ngatiitei dare, upire nyaya yako; uratidze kuti hauna mhosva. Mwari vanonzwa mikumbiro yedu. Uye vanotipa zvatinenge takumbira zvacho. Izvi ndizvo zvatinonzwisisa. Shoko raMwari ndiro rinotizivisa izvi. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vakarurama. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kukumbirira vanhu kwamuri. Ndichivakumbirira kudai sezvinoreva Shoko renyu. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi. Saka ndava nemvumo yekuita kuti zvinokufadzai zviitwe panyika pano. Zvichiitwavo muhupenyu hwevanhu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 5 ndima 16
1 Timoti 2 ndima 1
Vahebheru 7 ndima 25

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church