Chikunda English Manyika Ndau Ndebele Shona 



Midziyo YeMaropafadzo

Chipiri, 25 Ndira 2022

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa ndima * 151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

" Wanhu awa wakaunza wahwere wawo. Wakawaunza wari panhowo. Wakabva warunda nzira yese. Iyo yakanga iri kufambiwa naPita. Wachitsvaka kuti Pita apfuure nepawari. Mumvuri wache ugopfuura nepawahwere awa" (Mabasa 5 ndima 15).

Mwari wangakuropafadza. Wanobva waropafadza zvinhu zvako zvese. Wanozoropafadza mari yako. Nhumbi dzako. Nepfuma yako yese. Zvinhu zvese izvi zvinozogara zvakatakura maropafadzo. Maropafadzoya anenge achitogona kutapukira pane wanenge wabata zvinhuzvi. Chimbofunga pamusoro peizvi. Izvi ndizvo zvatinoonavo pana Pauro. Machira yakatohwa kubva paari. Machira iyi yakaendesiwa kuwanhu vaihwara. Wanhuwa wakabva wanaya. Tinozviwerenga muna Mabasa 19 ndima 11 kusvika 12. Inoti kwayi, "Mwari wakaitawo zvishamiso. Wachiseenzesa maoko aPauro. Nokuti wanhu waitora machira. Nenguwo. Izvo zvainge zvamboisiwa pamuwiri waPauro. Wachizviendesa kuwahwere. Zvichinoiswa pawahwere awa. Zvihwere zvichibva pawari. Nomweya yakaipa ichibuda mawari".

Machira aya akange ambogumana naPauro. Kuno simba raMwari rakanga riri paari. Zvinhu zvakadai zvakanga zvamboitika pana Jesu. Tinozviona muna Ruka 8 ndima 43 kusvika 48. Iyi inhoroondo yemumwe mukadzi. Mukadzi uyu akainge achibuda ropa. Akauya kuna Jesu. Akawana wakakombiwa nowanhu. Wanhuwa wainge wakawanda fani. Asi kuno mukadziyu akamanikidzira. Akasvika paiwa naJesu. Akabata hembe yawo. Akabata mupendero wehembe iyi. Akabva aporesiwa. Akaporesiwa pakarepo. Jesu wakabva wataura. Wakati simba rakanga rabuda mawari.

Tinoona pekare zvinhu izvi muna Ruka 6. Wanhu wainge wauya. Wakanga wabva Judhiya rese. Wamwe wainge wabva Jerusarema. Wamwe wainge wabva kumaguta eTire neSidhoni. Aya maguta aiwa mujinga megungwa. Wanhuwa wainge wakawanda fani. Wakanga wachida kudzidzisiwa naJesu. Wakanga wachidawo kuporesiwa naJesu. Wamwe wawo wakanga wachitambudziwa nemweya yakaipa.

Ruka anotsanangura zvakaitika zvachozvo kamu. Mweya Mutsvene wane masoko awakamufemera kunyora. Tinoawerenga muna Ruka 6 ndima 19. Anoti kwayi, "Wese wakatsvaka kubata Jesu. Nokuti pane simba raibuda pana Jesu. Simba iri ndiro rakawaporesa wese". Simba rakanga riri kubuda pana Jesu. Iri rakanga riri simba rinoporesa. Simba iri akanga achitowa maropafadzo. Akanga atapukira pahanzu dzaJesu. Achizotapukirawo kuwanhu. Wanhu awa wachibva waporesiwa. Izvi zvinoshamisa fani.

Kuno Mwari wangakupe zvinhu. Unofanira kuchengetedza zvinhu izvi. Nokuti zvine simba razvakatakura. Uye simba iri rinogona kutapukira kuwanhu. Zvinhu izvi dzingawa hembe dzakodzo. Dzingawe shangu. Ingawe midziyo yekuseenzesa. Nezvinhu zvako zvese. Zvinhu zvese izvi zvine maropafadzo. Inotowa midziyo yekuropafadza nayo wanhu. Pamwe zvinogona kukuunzira maropafadzo akawanditsa.

Fungisisa pamusoro pechinhu ichi. Iweiwe waa muna Muponesi. Kuno zvinhu zvako zvese zvinoseenza muhumambo hwaMwari. Kuno zvakaropafadziwa. Unofanira kunzwisisa izvi kamu. Hupenyu hwako hunozochinja fani. Unozofunga nenzira itsva. Kutaura kwako kunozochinja pekare. Hupenyu hwako hunozochinjawo. Pamusoropokaa, maropafadzo anozogara achiwedzera muhupenyu hwako. Kuno unozobatsira wanhu wakawanda.

Pupura Uchiti Kwayi

Zvinhu zvangu zvese zvinowedzera. Zvinokura. Ndinogara ndakazara Mweya Mutsvene. Kuno paribe chinhu changu chinobvuruwara. Paribe kana chibodzi chazvo chinopedzisira chichiribe basa. Ndinosvitsa maropafadzo aIshe kuwanhu. Pandiri ndipo panowanikwa nyasha dzaIshe. Dzinowanikwa newese wanosangana neni. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNyasi

Mabasa 5 ndima 15

Matiyo 14 ndima 35 kusvika 36

Ruka 8 ndima 43 kusvika 48

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Chitoko)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/shonachurch)