Chikunda
English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Tine Masimba Anoperaba
Muvhuro, 31 Ndira 2022
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa ndima * 151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
" Wakatimutsa pabodzipo naMuponesi. Wakatigarisa kudenga. Pabodzipo nawo. Tiri mukati mawo" (Vaefeso 2 ndima 6).
Ndima yatavhura nayo iyi yakadzama. Tinogona kuiseenzesa kuita zvakawanda. Isu tine masimba atinawo. Masimbaya akawanda. Anobata zvinhu zvese. Anoperaba. Tigere pabodzipo naMuponesi. Nzvimbo yatigereyo ndiyo inogara wanhu wano masimba ese. Ndiyo inogara wanhu wanotonga. Ndiyo inogara Wamwari. Hareruya!
Kuno tinogona kuita kuti wanhu warambeba wachipomehwa manyepo. Tinogona kumisa njodzi panyika. Tinogona kumisa mhirizhonga panyika. Zvinhuzvi zviri kukonzehwa naSatani. Zviri kukonzehwa nowabati wache. Iwe unogona kumirisana nezvinhu izvi. Uchitaura Soko raMwari. Uchinamata. Uchiseenzesa masimba ako. Aya masimba awakawana muna Tenzi Jesu. Unogona kuseenzesa masimba aya kuporesa miri wako wenyama. Unogona kuaseenzesa kugadzirisa zvinhu mumhuri yakoyo. Muhama dzako. Muguta rako. Mudunhu rako. Nemunyika yako. Isu tisu tinoronga zvinofanira kuitika panyika!
Tinozikanwa nozita raJesu. Tisu tinowamiririra. Tisu tine masimba awo. Jesu wakamboenda kugomba remoto. Wakanokurira mweya yakaipa ikoko. Izvi ndizvo zvatinoona muna Wakorose 2 ndima 15. Inoti kwayi, "Wakazotora wabati. Nomasimba. Ndokuwaita nhapwa. Ndokuwananika pachena. Kuti vaonekwe nozvisikwa zvese kuti wakanga wawakurira". Hareruya! Izvi zvinofadza. Kuno unofanira kupembera nomufaro.
Iwe wainge uri mawari wachiita izvi. Kurewa kuti wakatokurira Satani. Wakatokurira wabati wache worima. Wese watowe nhapwa dzako. Chirega kuwarega wachisimudza misoro. Kuno ungawe uri kunyengeterera wanhu wese. Kana guta rako. Kana nyika yako. Kana watungamiriri wonyika yakoyo. Taura kuti Satani achiribe simba rekutonga wanhuwa.
Waa muna Muponesi. Kuno une simba rawaa naro. Seenzesa simbari. Uchitaura masoko. Masokoya anofanira kunge ari anoraramisa zvinhu. Anofanira kunge ari eWamwari. Ekusunungura. Ekupfumisa. Ekuropafadza. Enyasha. Taura masoko ekururama. Uropafadze nyika yako. Masoko aribe kwaasingagoneba kusvika. Uye maari ndimo munoonekwa humwari hwako kamu. Ndimo munoonekwa simba rako. Iro simba riya rawakawana muna Muponesi. Mwari ngavakudziwe saMwari!
Pupura Uchiti Kwayi
Zvisikwa zvese zvakaraihwa kunditeerera. Zvisikwa izvi anogona ariSatani. Inogona iri mweya yotsvina. Dzingawa ngirozi. Zvinogona zviri zvinofema. Kana zvinofemaba. Zvese zvinofanira kunditeerera. Nokuti ndinozikanwa nezita raJesu. Mweya yetsvina iri kuparadza hupenyu hwewanhu pasi rese. Tinomisa kuparadzwa kwese uku. Masimba emweya iyi aparadzwa. Mabasa ekururama ndiwo ari kuwanda panyika. Zvinodiwa naMwari ndizvo zviri kuitika munyikadzi. Nomumoyo yowanhu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNyasi
Vaefeso 2 ndima 4 kusvika 6
Vafiripi 2 ndima 9 kusvika 10
Vaefeso 1 ndima 19 kusvika 23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chitoko)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/shonachurch)