Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
RARAMA SOMUNHU ANOZIWA SIMBA RAANARO
Chipiri, 26 Chivabvu 2020
"Asi kuno muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchawa zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo onyika" (Mabasa 1 ndima 8).
2 WaKorinte 4 ndima 7 inoti, "Asi kuno pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huwe hwaTenzi, hurege kuwa hwedu". Mukati mako mune simba. Izvi ndizvo zvatinoonavo muna WaEfeso 3 ndima 20. Inoti, "Zvino, iye ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nosimba rinobata mukati medumo". Mweya wako wakasikiwa patsva. Kuno simba raTenzi riri kushanda mauri. Riri kushandamo rese. Simba iri harisiba kudenga. Riri mumweya wako uyu. Wawa kugona kuita zvose zvaunoda. Paribe chichakukonesa. Wawa kugona kuenda kose kwaunoda. Pachiribe chichagona kukumisa. Ndokunge washandisa simba iri. Paribe chinokutadzisa kubudirira. Paribe chinokutadzisa kuti pfuma yako kuwedzera.
Asi kuno wakawanda wanoziwaba rudzi rwawo. Wakatakura simba. Asi kuno wanoziwaba nozvaro. Iweiwe unofanira kuziwa kuti une simba iri. Ndo kuti rishande kamu. Jesu wakamborarama panyika ino. Waiziwa simba rawaiwa naro. Waiziwa kuti wakanga wabva kuna Tenzi. Waiziwa kuti wakanga wari munhu worudzi rupi. Wane masoko awakataura. Tinoawerenga muna Mateo 28 ndima 18. Wakati, "Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri". Jesu waiziwa izvi. Kuno waitaura somunhu ane simba iri.
Wakambopinda musinagoge. Tinowerenga masoko awo muna Ruka 4 ndima 18. Wakati, "Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire warombo Vhangeri; Akandituma kuti ndiziwise wakatapwa kusunungurwa kwawo; Namapofu kuti waonezve; Ndiregedze wakatsikiriwa". Madhimoni akatanga kubuda. Jesu wakabva waporesa wairwara. Wakabva wasungunura waitambudziwa. Wakashanditsa masoko awo kuita izvi. Tenzi ngawarumbidziwe kamu!
1 Johane 4 ndima 17 inoti isu takafanana nawo. Takafanana nawo pazvose. Iweiwe wawa worudzi rwawo. Kuno simba raMweya Mutsvene riri mauri. Uri nhengo yomuwiri wavo. Uri nhengo yonyama yawo. Uri rimwe romapfupa awo. Ndiwe unomiririra Humambo hwawo. Mweya Mutsvene wawa kugara mukati mako. Kuno Humambo hwaTenzi hwawa kuonekwa pauri. Simba rawo rawo kuonekwa pauri. Kubwinya kwawo kwawa kuonekwa pauri kamu. Kururama kwawo kwawa kuonekwa pauri. Rarama somunhu anoziwa izvi kamu. Hareruya!
Pupura Uchiti
Tenzi wanoonekwa pandiri. Ndiri nhume yaKristu kamu. Ndakazara Tenzi. Simba raTenzi rinogara mandiri. Izvi ndizvo zvandinoziwa. Kuno handizvioni somunhu anoshaiwa. Handizvione somunhu ane zvaasingagoni kuitaba. Ndinofungisisa Soko raMwari. Ndinogara Shoko iri riri mupfungwa dzangu. Zvekare, ndinotaura nendimi. Nokudaro, ndinoita kuti simba iri rishande pazvinhu zvangu zvose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNyasi
VaEfeso 3 ndima 20 kusvika 21
2 VaKorinte 4 ndima 7
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chitoko)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/shonachurch
Kana muchishuva kuti vamwe vawanewo zvidzidzo izvi, makasungunuka kutuma mari neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadzei)