Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Wapwere Wekururama

Chitatu, 25 Ndira 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Mupfeke munhu mutsva. Adosikwa adofanana naMwari. Adorurama. Ane hutsvene hwedi" (WaEfeso 4 ndima 24).

2 waKorinde 5 ndima 21 ingoti, "Muponesi uyu adonga asina rutadzoba. Aitozviziwa kuti adonga asina rutadzoba. Asi Mwari wadomuita shipiriso shechiwi. Kuti ifeife tiite kururama kwawo kuya. Kuri muna Muponesi". Ifeife tidobarwa keshipiri. Izvi zvingotaura kuti kururama kwaMwari kwatuwonekwa patiri. Imbwa ingobara imbwa. Izvi ndizvo zvidoitwawo ndiMwari wadorurama. Kururama kwawo hakunzwiswiswi ngepfungwa dzemunhuba. Asi ndiwo wadotibara. Saka tati kururama kwawo. Tidorurama tsaiwo.

Tidobarwa ngekururama. Saka patiri ndipo patuwonekwa kururama kwaMwari. Izvi ndizvoungofanira kukara uitaura pamutsoro pako. Ungonga usiruzvikudzaba. Ungonga urundotaura idi. Ungonga urundotaura zvawati. Wati muna Muponesi.

Kururama uku kudosiyana ngekuya kwatidopiwa. Kuya kudoita kuti tifanire kuitwa wanhu weropa raMwari. Tiwe ngehupenyu husingaperiba. Kururama uku ngekuya kwatidobarwa tinako. Payapaya patidobarwa keshipiri. Ngekuti 2 waKorinde 5 ndima 17 ingoti, "Saka kana munhu ati muna Muponesi. Yati inawo mhuka. Itsva. ...". Mhuka itsva iyi idosikwa idorurama. Iyiyera. Izvi ndizvotawona mundima yatavhura ndiyo.

Saka iwewe haushari mufananidzo wekururamaba. Wafanana naMwari paidi. Newewo warurama zvidokwana. Wati munhu angoyera. Wati werudzi rwewaMwari. Ishi shiropafadzo shikuru. Chirarama tsemunhu angoziwa izvi. Urarame hupenyu hwewaMwari. Uitonga zviro zvenyika ino zuwa rimwe ngerimwe.

Pupura Uyiti

Ineine ndidogashira kururama kudokwana. Ndati munhu werudzi rwewaMwari. Saka ndafanana naMwari. Ndatine masimba angodarika aSatani. Ndatine masimba angodarika ewabati washe wetse. Ndatukwanisa kukurira zviro zvenyika ino. Ndingosenzesa simba raMuponesi Jesu. Saka ndingokurira nyika yetse. Hareruya!

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi

Vaefeso 4 ndima 24 AMPC

Varoma 5 ndima 17 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Rinonyorwa ndi:

Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church