Chikunda
English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Hupenyu HwewaMwari. Hwekururama
Chipiri, 31 Ndira 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Asi imweimwe muri rudzi rudotsanangurwa. Madzimambo. Wapiri. Rudzi rutsvene. Wanhu waadozviwanira. Kuti wangokuwonayi warumbidze Mwari. Iwo wadokutorayi. Wadokubvisani mudima. Waikupinzai mushiyedza shawo shingoshamisa" (1 Pita 2 ndima 9).
ShiKristu hupenyu hwewaMwari. Hupenyu hwekururama. Hwerukudzo. Hwerugare. Hupenyu uhu hungotoraramwa panyika panapa. Hatiruzohurarama kana tatudengaba. Ifeife titori wanhu weropa raMuponesi. Tarurama tsaiwo. Tati werudzi rwawo. Izvi ndizvo zvingotaura Bhaibheri. Tingowerenga masoko aro muna 1 Johane 4 ndima 17. Ingoti, "Ngekuti tishari panyika panapa hasu. Asi zvawari iwo, ndizvo tiriwo ifeife".
WaKorose 3 ndima 3 kusvika 4 ine zvaingotitaurira. Zviro izvi zvingoshamisa maningi. Ingoti, "Ngekuti mudopfa. Hupenyu hwanu hwawigwa muna Mwari. Hwawigwa pamwepo naMuponesi. Pashazowonekwa Muponesi awa. Wangowa ndiwo hupenyu hwasu. Nemiwo mushawonekwa muri pamwepo nawo. Muri werudzi rwewaMwari". Muponesi ndiwo hupenyu hwako. Iwewe udotsanduka rudzi. Haushari weropa rewanhu wenyika inoba. Wati weropa raMwari. Udombonga une hupenyu hudonyangara. Hwekukara uikurirwa. Asi Jesu wadobvisa hupenyu uhu. Wadobvisa hupenyu hwako hwezvitadzo. Wadokupa hupenyu hwewaMwari. Ihwo hupenyu hwekururama.
Muponesi ndiwo wati hupenyu hwako. Saka wati werudzi rwewaMwari. Kutaura kuti hazvishakwanisikiba kuti uite hosha ingoramba kupora. Kune wena warufurirwa ndiSatani. Wanhu awa wadobarwa hawo keshipiri. Asi washarufunga kuti hapana shidotsanduka pawariba. Satani ndiye aruita kuti wafunge kusharezvi.
Iwewe waimbowa werudzi rwenyika ino. Apa ndipo pawairarama mudima. Uikara udosuwa. Uikonzwa konzwa. Uikara uikonziwa. Asi zvino watsanduka rudzi. Saka zviro zvetse izvi haushanaba. 2 waKorinde 5 ndima 17 ingoti, "Saka kana munhu ati muna Muponesi. Yati inawo mhuka. Itsva. Zvaadonga ari kara hazvisharipoba. Ringa uwone. Zvatipo zvetse zvati zvitsva".
Une nyika yawatukara zvinoizvi. Iyi inyika yewaMwari. Inyika yekururama. Ndiko kusaka waturarama hupenyu hwewaMwari. Uibara zvibarwa zvekururama. Uyiita mabasa ewadorurama. Chirarama tsemunhu werudzi rwewaMwari. Kara uyiwimba naMwari. Uisenzesa Soko rawo pakurarama kwako. Uiziwa kuti hupenyu hwako hwati hwewaMwari. Hareruya!
Pupura Uyiti
Ineine ndingowimba naMwari. Mwari ndiwo wangowonekwa pahupenyu hwangu. Kururama kwaMuponesi ndiko kwatuwonekwa pahupenyu hwangu. Mweya wangu wati weropa raMuponesi. Ropa iri ndiro ratufamba mumwoyo mangu. Ngemumwiri wangu wenyama. Mwari ngawakudzwe tsaMwari!
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Vakorose 1 ndima 26 kusvika 27
1 Johane 4 ndima 17
Johane 17 ndima 22
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church