Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Mwari Arutarisira Kuti Iwewe Ndiwe Ushabatsira Nyika Ino

Mugovera, 18 Kurume 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Ineine ndidobva ndati, 'Ringani. Ndauya kowoita zvamungoda. Imweimwe Mwari. Ndini uya adonyorwa mumagwaro" (WaHebheru 10 ndima 7).

Dzina nguwa tingotsvaka kuti Mwari abatsire nyika. Agadzirise matambudziko ewanhu. Asi tingonga tisirutoziwa kuti isusu tisu tingofanira kugadzirisa matambudziko aya. Mwari angotarisira kuti isusu tiagadzirise. Mwari angosenza ari matiri. Isusu tisu mawoko ashe. Tiri mawoko ashe aangosenzesa kusvitsa maropafadzo panyika. Iye angotiropafadza. Aibva atibatisa maropafadzo enyika ino. Aitarisira kuti tisvitse maropafadzo aya kuwanhu watingosongana nawo.

Mwari ndiye adosika zviro zvetse. Adozvisika zviri zvidonaka. Izvi ndizvo zvingotaura Soko rashe. Mwari adosika wanhu. Adowasika kuti wakare wari murugare. Wadofara. Wasina shingowakanganisaba. Wadopfuma. Wane zvetse zvingodiwa. Zvino Mwari angoda kuti isusu tiite kuti nyika ikare idonaka kusharezvi. Panyika pane zviro zviruitika. Zviro izvi tsandizvo zvingodiwa ndiMwariba. Saka angoda kuti tigadzirise zviro izvi. Tisu tingofanira kuunza zvidonaka zvaMwari panyika. Zviya zvaangogashira. Ngezvaangofarira. Izvi ndizvo tingowona muna WaRoma 12 ndima 2.

Izvi zvingotipangidza ena masoko aJesu. Tingoawerenga muna Matiyo 18 ndima 18. Ingoti, "Ndingokutaurirani idi. Kana mukasunga shiro muri panyika panapa. Shiro ishi shingobva shatosungwawo kudenga. Kana mukatsunhura shiro muri panyika panapa. Shiro ishi shingobva shatotsunhurwawo kudenga". Wanhu wangofanira kuwona Mwari patiri. Tisu tingoita kuti zvingofarirwa ndiMwari zviitike panyika. Tisu tingounza zvidonaka zvaMwari panyika panapa.

Pane zviro zvingotsvaka kuuya panyika panapa. Tisu tingowongorora shimwe ngeshimwe shazvo. Tiindobvumira zvingodiwa ndiMwari basi kuti zvipinde. Ndiyo ndawa zvisikwa zvetse zviiringa iyo tiri. Izvi ndizvo tingowerenga muna waRoma 8 ndima 19 kusvika 22. Ingoti, "Ngekuti zvisikwa zvetse. Zvingokara zviitarisira. Zvidorindira. Zviitsvaka kuti warumbwana waMwari wauye. Wawonekwe. ... Ngekuti zvisikwa zvetse zvishasunungurwa. Zvishabviswa patsi pesimba ringoparadza. Zviipinzwa murusununguko rwewarumbwana waMwari. Rungoshamisa. ...".

Nyika irutambura. Ifeife tisu tingotogadzirisa matambudziko ayo. Tisu tiripo kuyiunzira mufaro. Kururama. Rugare. Ngepfuma. Tisu tiripo kusunungura nyika. Tiiyibvisa pane zvingoparadza. Tiiyipinza murusununguko rweMurumbwana waMwari. Irwo rusununguko ruya rungoshamisa maningi. Zvino ifeife tirutoita basa iri. Hareruya!

Pupura Uyiti

Ndini boko raMwari. Iro boko riya rawangosenzesa kuita mabasa awo panyika panapa. Ndini ndiripo kubatsira nyika ino. Inyika ingokonziwa maningi. Mwari angosenzesa ineine. Angondisenzesa kuzaza kururama kwawo panyika. Aiwedzera zviro. Aizvinatsa. Ngekuzvipfekedza. Aipa hupenyu kuzvisikwa zvetse. Ngekuzvipinza zvetse murusununguko rwewarumbwana waMwari. Irwo rusungunuko ruya rungoshamisa. Hareruya.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi

Jeremiya 1 ndima 10 kusvika 12

VaRoma 8 ndima 19 kusvika 21 AMPC

Mariko 16 ndima 15 kusvika 18

Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church