Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Zita RaJesu Ringoporesa. Ringopa Hutano Hudonaka
Svondo, 19 Kurume 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Zita rashe ndiro rasimudza munhu uyu. Wamungowona metse. Wamungoziwa. Agashira zita raJesu. Ndiyo ndawa aporeswa. Adonaka zvamungowona metse kusharezvi" (Mabasa 3 ndima 16).
Tingofanira kusenzesa Zita raJesu. Tingozoshamiswa ngezvatingokwanisa kuita. Pamwepo ngezvatingokwanisa kuwana. Tingozowana maropafadzo adowanda. Tingorarama hupenyu hwewaMwari. Tine zvatawerenga mundima yatavhura ndiyo. Fungisitsa pamutsoro pezviro izvi. Zita raJesu ringoporesa. Ringopa hutano hudonaka. Ringogwinyisa mwiri wako. Mwari ngaakudzwe tsaMwari.
Wanhu waimbotsvaka kubata mupendero wehembe dzaJesu. Waibva waporeswa ipapo. Izvi ndizvo tingowona munhorowondo dzehupenyu hwaJesu. Una wewanhu awa adonga ari mukadzi. Mukadzi uyu aibuda ropa. Tingowerenga nhorowondo yashe muna Ruka yesere. Mukadzi uyu adouya kuna Jesu. Adouya ngekumasure kwashe. "Kwatubata hembe yaJesu. Adobata mupendero wayo. Ropa riya ridobva ramira kubuda". Izvi ndizvo tingowerenga muna Ruka 8 ndima 44.
Mundima iyi mune soko ringoti, "mupendero". Soko iri ridoturikirwa kubva kusoko ringoti, "Kraspedon". Iri isoko reshiGiriki. Ringotaura minzva. Iyi minzva ingonga iri pamupendero wehembe. Tingowerengawo pamutsoro pewena wanhu. Wanhu awa wadonga waikara munzvimbo yeGenazareta. Tingowerenga nhorowondo yawo muna Matiyo yegumi ngeina. Jesu adosvika munzvimbo iyi. Wanhu awa wadowarira kwaari. Wadonga warutsvaka kuporeswa. Matiyo 14 ndima 36 ingoti wanhu awa " Wadokumbira kubata mupendero wehembe dzaJesu. Hawana zvina zvawadokumbiraba. Wadowanda wadowubata. Waibva waporeswa wetse ".
Tenzi haana shaadomboitaba. Adondosiya wanhu awa waibata mupendero wehembe yashe basi. Wanhu awa waibva wapora. Asi izvi tsandizvo zvatingofanira kuitaba nyamusi. Hatifaniri kutsvaka kubata hembe dzaJesuba. Tingondotaura zita raJesu basi. Hosha dzetse dzingobva dzatoenda. Nhuta dzingobva dzatopera. Wadoremara wangobva watopora. Zita raJesu ndiro ratingofanira kusenzesa munguwa yasu inoyi.
Mariko 6 ndima 56 ingoti kwetse kudoendwa ndiJesu, "Mungawa mumisha. Mungawa mumaguta. Wanhu waifana kuradzika watenda munzira yawo. Waibva wakumbira kundobata hawo mupendero wehembe yaJesu. Waibata waibva wapora". Simba iri risharipo nyamusi. Ratuwanikwa muzita rashe.
Ndiyo ndawa adotitaurira. Adoti tingofanira kuporesa wangokonzwa.. Tingofanira kugeza wane maperembudzi. Tingofanira kumutsa wadopfa. Izvi ndizvo tingowerenga muna Matiyo 10 ndima 8. Mariko 16 ndima 17 kusvika 18 ingoti, "Zviro zvingoteera ndizvo zvishawonekwa pane waya wangonga wandigashira. ... Washaporesa wangokonzwa. Wangowaporesa ngekundowabata ngemawoko awo". Mwari ngaaropafadzwe!
Namata Uyiti
Ishe. Ndingonamatira wapwere wanu. Iwo waya warukonzwa. Ngawasimuke. Patsaite shingowasungaba. Waporeswe. Muzita raJesu. Iwo waite weropa ranu. Ngekudaro mwiri yawo idokwana. Muponesi watukara mawari. Muponesi awa ndiwo wangoita kuti pfungwa dzawo dzisenze zvidonaka. Ngekugwinyisa mwiri yawo. Hareruya!
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Johane 10 ndima 10
Mabasa Avapostora 3 ndima 16 AMPC
VaFiripi 2 ndima 9 kusvika 11
Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church