Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Rarama MuMweya

Chishanu, 24 Chikumi 2022

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Saka kana mweya yasu yati mipenyu. Ngatiirekere iititungamirira pakurarama kwasu" (WaGaratiya 5:25)

Ifeife tiri waKristu. Saka tingorarama mumweya. Ndihwo hupenyu hwasu ihwohwo. Tingorarama tsewanhu wangowimba naMwari. Ikoiko ndiko kurarama mumweya. Izvi ndizvotingowona muna 2 WaKorinde 5 ndima 7. Saka madziso asu angokara ari pane zvingotaurwa ngeSoko raMwari. Haikona pazviro zviri kuitika patiriba. Kana pazviro zvatingonzwa mumwiri yasu yenyamaba. Kana zvatingowona ngemadziso enyama.

Munhu adotanga ari mumunda weEdheni. Adobva apara mhosva ari imomo. Iyi idonga iri mhosva yekutengesa nyika. Mweya washe udobva waparadzwa. Udobva watanga kutongwa ngemwiri wenyama. Zvepamweya ndizvo zvega zvaadonga ainzwisisa petse apa. Ndizvo zvaairarama ndizvo. Asi adozotanga kukoshesa zvaaiwona ngemadziso enyama. Adotanga kuita izvi paadopandukira Mwari. Mwari adonga amuyambira pamutsoro pazvo. Tingowerenga masoko ashe muna Genesi 2 ndima 17. Ingoti, "Asi muchero wekuziwa zvidonaka ngezvakaipa usaheba. Ngekuti mutsi waushauha. Ushapfa zvedi". Mweya washe ndiwo udonga uri kuzopfa.

Munhu adozoha muchero uyu. Adopfa. Adobviswa pana Mwari ipapo ipapo. Asi adonga aisimbofarira kutandara naMwari. Zvino adonga atadza. Adobva awara Mwari. Adowozera. Izvi ndizvotingowona muna Genesi 3 ndima 9 kusvika 11.

Pane zviro zviiri zvidoitika apa. Iwewe ungofanira kuzviziwa. Shekutanga kudonga kuri kupfa kwemweya washe. Kupfa uku ndiko kudomubvisa pana Mwari. Mwari ndiye hupenyu. Zvino kana munhu akabviswa paari. Haazokwanisi kuwona zviro ngenzira yazvingowonekwa ndiyo ndiMwariba. Haakwanisi kuwona kunaka kwaMwari. Ndiko saka Adhama adotanga kuzviwona arimuswinda.

Iwewe kana ururarama mumweya,ungozokwanisa kuwona kunaka kwaMwari. Ungozokwanisa kuwona shiyedza shashe. Ungozokwanisa kuwona zvingowonekwa ndiMwari. Uizviwona ngenzira yazvingowonekwa ndiyo ndiMwari. Asi kana mweya wako ukasafamba mushiyedza shaMwariba. Dima ndiro ringonga ratukutungamirira. Ungonga watundowona zvingowonekwa ngemadziso enyama basi. Izvi ndizvo zvidoitika kuna Adhama. Zvidoitika kwaari ashari mumunda weEdheni.

WaRoma 9 ndima 8 ingoti, "Kutaura kuti tsandi wetse waya wadobuda munhumbu maAbhurahama wangotorwa tsewana waMwariba. ...". Saka kune wana wepanyama. Wana awa ndiwo wangotungamirirwa ngezvawangowona ngemadziso enyama. Asi tingotenda Mwari. Iwewe haushari wedzinza raAdhama wekutangaba. Udobarwa keshipiri. Apa ndipo paudobarwa wafanana naIshe wekudenga. Saka watufanira kurarama tsemunhu wekudenga. Watufanira kutungamirirwa ndiMweya Mutsvene.

Rarama mumweya. Ungozowona kuti udokunda zviro zvenyika ino. Ungozoziwa kuti hazvishakwanisi kuti ukundikaneba. Hazvishakwanisikaba kuti uwodzwe mwoyo. Ungozowona kuti haushari mudimaba. Hazvishakwanisikiba kuti uparadzwe ngezviro zvenyika ino. Ungozowona kuti une ina nyika yawaturarama uri mairi. Nyika iyi ndeyekudenga. Wangorarama mairi wakuru kudarika wenyika ino. Hareruya!

Namata Uiti

Baba wandingoda. Ndingokutendai. Ineine ndingowimba naMwari. Rutendo rwangu urwu isimba. Ndiro simba ringokunda nyika ino. Handiringi zviro ngemadziso enyamaba. Ndingoringa zvingotaura Soko raMwari pamutsoro pazvo. Nyika ino haikwanisi kunditadzisa kuwana zvandingodaba. Haikwanisi kunditadzisa kuita zvandingodaba. Ndiri muna Muponesi. Saka ndiri mukundi. Hareruya!

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi

Varoma 8:3-8

2 Vakorinde 5:7

VaGaratia 5:16-18

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Rinonyorwa ndi:

Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church