Chikunda
English
English_Etienne
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Hunhu Hudonaka
Chipiri, 19 Gunyana 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
�Kururama kwewasina shawangopomerwaba kungowaruramisira nzira yawo, asi wadonyangara washaparadzwa ngezvidonyangara zvawo. Kururama kwewadorurama kungowakanira, asi wasina kutendekaba wangosungwa ngezvitsuwo zvawo zvidonyangara. (Zvirewo 11 ndima 5 kusvika 6).
Genesisi 49 ine masoko ayingotipa. Aya mhasoko adotawurwa ndiJakobho. Adowatawura kuwarumbwana washe. Ndiwo adonga ari masoko ashe ekugumisira kwawari. Jakobho adowamba ngekutawura kuna Rubheni. Rubheni ndiye adonga ari dangwe rashe. Adobvuma kuti Rubheni adonga ane zvidowanda zvaayikwanisa. Adoti Rubheni adonga ari dangwe rashe. Paari ndipo adonga ayisa simba rashe rekutanga. Adosimbisawo kuti Rubheni uyu ndiye adonga ari mukuru kuvanin�ina washe. Ndiye adonga ane masimba etse.
Asi Jakobho haana kukanganwa hunhu hwaRubheniba. Hunhu hwaRubheni hudonga husina kunakaba. Ndihwo hudozomushayisa zvetse zvaayifanira kuwona. Izvi ndizvo tingowona muna Genesi 49 ndima 3 kusvika 4. Ingoti, �Rubheni � udoyita tsemvura. Hawuna kugadzikanaba. Udorara ngemukadzi wabambo wako. Ukasiya nhowo yawo yan�hora. Udorara pandingorara inene. Saka hawuruzobudiriraba.
Hunhu hwako tsemunhu hudokosha maningi. Hazvina ndawa kuti pane zviporofita zvidotawurwa pamutsoro pako kana kuti ndiwani adozvitawura; hunhu hwako hungokwanisa kuparadza zviporofita izvezvo ngehupenyu hwako futi, tsehunhu hwaRubheni hudomuparadzira hupenyu hwashe.
Shitsuwo shaMwari ngeshekuti masoko adotawurwa pamutsoro pako ayitike. Soko rawo ridonaka pamutsoro pako rizaziswe tsekutawura kwawadoyita. Shako basi iwewe kuziwa huMambo hwawo ngekuyita zviro zvidonaka,uyifamba mukururama.
Ungofanira kurarama ngenzira ingofadza Mwari. Izvezvo zvidokosha maningi. Ungofanira kurarama mushiyedza shawo. Ungofanira kuwa ngehunhu hudonaka. Izvi zvingokubatsira kunzwisisa una munamato waMwiya Mutsvene kuburikidza ndiPauro. Tingowuwerenga muna WaEfeso 3 ndima 16. Mwiya Mutsvene wadonga waruti wangotsuwira kuti mwiya wako ugwinyiswe. Uyigwinyiswa ndiMwiya Mutsvene.
Namata Uyiti
Baba wandingoda. Ndatunzwisisa zvamungofarira. Saka ndaturarama mushiyedza shanu. Ndatunzwisisa kukosha kwetsika dzidonaka. Pamwepo ngekurarama zvidorurama. Ndiyitewera Soko ranu. Ndingokutendani. Mandibatsira kunzwisisa kukosha kwekufunda kubva kuwanhu wari muMagwaro. Ndiyiita zviro zvingokudza zita ranu. Muzita raJeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Zvirevo 11 ndima 5 kusvika 6
Zvirevo 20 ndima 11
VaRoma 12 ndima 2 (NIV)
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church