English Manyika Ndau Shona 



Kunamata Ngendimi Kudokosha

Chishanu, 29 Gunyana 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Asi imwemwe hama dzangu,zviwakeni mukutenda kwanu kungoyera, muyisimudzirwa kuyenda pamutsoro,muyinamata muMwiya Mutsvene."(Judhe 1 ndima 20 AMPC).

Kana uyida kutsandura hupenyu hwako kuti huyende padanho repamutsoro repamwiya, magwaro angotawura kuti ungodini: namata ngedzina ndimi kadowanda. Izvi zvingosenza panganyi hapo- muhupenyu hwako pawungoda kuti zvifambe,mungawa muhutano hwako, mufundo yako,kubasa,bhizimisi kana mumare dzako.

Kana dayi urukanira Mwiya yewanhu kana kunamatira wasirukwanisa kunzwisisa Soko raMwariba. Kana kuti wasinganzwisisi zviro zveMwiyaba. Namata ngendimi. Kunamata kudoshare kungobatsira maningi. Kana iwewe ukanamata ngendimi, Mwiya Mutsvene wangoyita kuti ukwanise kuwona zviri muMwiya. Uyizoziwa chayizvo zvekuyita kugadzirisa zviro. Ungoziwa chayizvo zvekutawura kumunhu. Ngezvawungofanira kuyita chayizvo.

Kana urunamata ngendimi, fundirawo kumirira Ishe kuti wakutawurire ngekupa gwara -gwara nguwa yawurunamata kana kuti yawungonga wapedza kunamata. Dzina nguwa , ungokwanisa kunamata kwenguwa idoreba uyibva wanzwa tsanduko mumwiya, asi pasina tsanduko dzingowonekwa ngemadziso enyamaba. Ngenyi? Pangokwanisa kunga pane matanho awungofanira kutora kana kuyita asi iwewe ungonga usati wazvibataba kana kuzviziwa.

Bhayibheri ringoti muna Mapisarema 25 ndima 14 kusvika 15, �Zvidozezwa zvaJehovha ngezvewangomusha; Ashawapangidza sungano yashe. Saka shidozezwa ishi shidochengeterwa iwewe. Asi kana ukambunda kuziwa shidozezwa ishi uyisenzesa pashiro shanetsa shacho,shiro ishi hashitsandukiba.

Kana iwewe uruda kugadzirisa zviro muhupenyu hwako, ungofanira kutawura ngedzina ndimi. Ungozowonawo nzero dzaMwari. Nzero idzi ndidzo dzingozokutungamirira kuti uzoziwe kuti wadayidzwa.

Namata Uyiti
Pandingonamata ngendimi nyamusi, ndirusimidzirwa, kuwakwa ngekuwandudzwa; Hushasha hwangu hwekuyita zviro pamwiya huruwedzerwa. Ndirubudirira muzviro zvetse zvehupenyu hwangu. Ndingonzwa zvingotawura Mwiya Mutsvene. Ndingowanzwa petse pawangondisunda. Ndiyiwateyera ngemwoyo wangu wetse. Muzita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
1 VaKorinte 14 ndima 2 AMPC
1 VaKorinte 14 ndima 18
Jude 1 ndima 20

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church