English Manyika Ndau Shona 


Mutemo Udodzamitsa

Chipiri, 21 Mbudzi 2023

"Mutsakare mareba pahupenyu hwanu; gutsikanani ngezvamunazvo: ngekuti wadoti, handimbokusiyiniba kana kukuratsani. Kuti ifefe titaure tidoshinga tiyiti, Jehovha ndiwo mubatsiri wangu , hapana shandingoyitirwa ngemunhu shandingoshaba" (WaHebheru 13:5-6).


Ndima yasu yatavhura ndiyo ine shayingotiwonesa shikuru. Ingotiburitsira mutemo udodzamitsa kwekugumisira kwendima yeshitanhatu yacho. Ukanzwisisa mutemo uyu,ungonga watukwanisa kuyita zviro zvingoshamisa: ".....Wadoti....kuti ifefe titaure tidogwinya tiyiti.? Ngeena masoko paruti, Mwari wadotipa Soko rawo-Bvawatawura zvawadotawura-kuyitira kuti ifefe tidayire tiyibvumirana nawo tidoshinga. .

Kudayira kwako kuna Mwari, kuSoko rawo, ndiko kune maropafadzo. Ngatiwerenge futi ndima yasu iya: ??ngekuti wadoti, handimbokusiyiniba kana kukutukani. Kuyitira kuti mutawure mudoshinga , Jehovha ndiwo mubatsiri wangu, hapana shandingoyitirwa ngemunhu shandingoshaba. Wona kuti haparunziba," Wadoti, kuyitira kuti utawure udotiwa ngekunyarara; Uuba! Urufanira kutawura Soko rawo udoshingitsa.
Ruwimbo hutawura zvawadotawura udoshinga! Padoshare apa ungoti, "Mwari warundibatsira zvinozvi zvinozvi so; Wadoti," Handikusiyi usina rubatsiroba,"saka ndingobatsirwa kubva kudenga; ndingobatsirwa kubva kumutsoro!" Kana ukabvumirana ngezvawadotawura ungokara uyindokunda basi.

Jeso wadoti muna Matewu 28 ndima 20, ? ndinemwe nguwa dzetse, dzamara kumagumo enyika." Saka ndingotawura ndidoshinga kuti Tenzi wanene,hapana shandingoshaba, ndingorarama mukufarirwa, kukunda ngekutonga zviro zvetse.

Kana zvinozvi,itowamba kutawura masoko angoyenderana ngezvidotawurwa ndiMwari. Tawura uyiti, ?Ndidopiwa pfuma idowanda." 2 WaKorinde 9 ndima 8. Ndine zvetse zvingodiwa pakurarama ngepakunamata Mwari. Izvi zviri pana 2 Pita 1 ndima 3. Hakuna chombo shidogadzirirwa kundikwadza shingobudiriraba, ndingokwanisa kuyita zviro zvetse kuburikidza ndiKristo awo wangondigwinyisa. Ameni. Matawurire adoshare aya angoyita kuti urarame tsemukundi chaiye ari pamutsoro pezviro zvenyika ino.

Namata Uyiti

Ndingotonga zviro zvenyika inoyi. Ndidokara pamwepo naKristo; saka ndingosenzesa simba rawo pandingotawura. Ndiri mutano, ndidogwinya, ndidopfuma; zvetse zvine shekuyita nene zvingobudirira! Nyasha dzaMwari dzekukudza ngekuwandudza zviruwedzera muhupenyu hwangu. Muzita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Mariko 11 ndima 23
2 Vakorinde 4 ndima 13
Varoma 10 ndima 8 kusvika 10

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa:https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church