Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Vana VeKururama
Chitatu, 25 Ndira 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Mupfeke munhu mutsva. Akasikwa akafanana naMwari. Akarurama. Aine hutsvene hwechokwadi" (Vaefeso 4 ndima 24).
2 Vakorinde 5 ndima 21 inoti, "Muponesi ava vakanga vasina chivi. Vachitozviziva kuti vakanga vasina chivi. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechivi. Kuti isu tive kururama kwavo kuya. Kuri muna Muponesi". Isu takazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti kururama kwaMwari kwava kuvonekwa patiri. Imbwa inozvara imbwa. Izvi ndizvo zvakaitwavo naMwari. Ivo vakarurama. Kururama kwavo hakunzwisisiwi nepfungwa dzemunhu. Asi ndivo vakatizvara. Saka tava kururama kwavo. Takarurama saivo.
Takazvarwa nekururama. Saka patiri ndipo pava kuvonekwa kururama kwaMwari. Izvi ndizvo zvaunofanira kugara uchitaura pamusoro pako. Unenge usiri kuzvikudza. Unenge uri kungotaura chokwadi. Unenge uri kungotaura zvawava. Wava muna Muponesi.
Kururama uku kwakasiyana nekuya kwatakapiwa. Iko kuya kwakaita kuti tikodzere kuitwa vanhu veropa raMwari. Tive nehupenyu husingaperi. Kururama uku ndekuya kwatakazvarwa tinako. Ipo paya patakazvarwa kechipiri. Nokuti 2 Vakorinde 5 ndima 17 inoti, "Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. ...". Chipuka chitsva ichi chakasikwa chakarurama. Chichiera. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo.
Saka iwe hauchisiri mufananidzo wekururama. Wafanana naMwari pachokwadi. Newevo warurama zvakakwana. Wava munhu anoera. Wava werudzi rweVamwari. Ichi chiropafadzo chikuru. Chirarama semunhu anoziva izvi. Urarame hupenyu hweVamwari. Uchitonga zvinhu zvenyika ino zuva rimwe nerimwe.
Pupura Uchiti
Ini ndakagamuchira kururama kwakakwana. Ndava munhu werudzi rweVamwari. Saka ndafanana naMwari. Ndava nemasimba anodarika aSatani. Ndava nemasimba anodarika evabati vake vose. Ndava kugona kukurira zvinhu zvenyika ino. Ndinoshandisa simba raMuponesi Jesu. Saka ndinokurira nyika yose. Hareruya!
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 4 ndima 24 AMPC
Varoma 5 ndima 17 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church