English
Ndau
Shona
Zvinhu Zvinonaka Patinonamata
Svondo, 26 Ndira 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
... Munamato wevanhu vakarurama. Uyo unobva pamoyo. Une shungu. Wekurevesa. Ndiwo unomutsa simba raMwari. Uchiita kuti rishande zvikuru (Jemusi 5 ndima 16).
Kune vamwe vanhu. Vanhu ava vanofunga kuti vanhu vasina simba ndivo chete vanonamata. Vanofunga kuti vanenge vapererwa nemazano ndivo chete vanonamata. Asi izvi hazvisi izvo. Iwe unofanira kunzwisisa munamato. Unofanira kuziva kuti sei tichinamata. Unozovona kuti hatinamati nokuti tinenge tapererwa. Hatinamati tichingoti zvimwe Mwari vachabatsira. Kunamata ndiyo nzira yekutogadzirisa zvinhu. Ndiyo nzira inoshanda kudarika dzose.
Vanhu vanonamata havo nenzira dzakasiyana siyana. Vamwe vanotanga vapererwa nemazano. Ndipo pavanozonamata. Asi isu tiri munyika inotongwa naMwari. Hatinamati sevanhu vapererwa. Hatiiti sevanhu vasingazivi kuti vanonzwikwa naMwari here. Tinototarisira kudavirwa. Ndiko kusaka tichinamata. Tinotoziva kuti tinenge tiri kugadzirisa zvinhu. Mwari havadi kuti tive vanhu vasina tariro. Tichingokurirwa nezvinhu. Tichipererwa nemazano. Isu tava kuzikanwa nezita ravo. Saka tinogona kuita chose chatingada. Tinogona kugadzirisa chose chatingada. Tinoita izvi patinonamata.
Unofanira kudzidza Magwaro. Unozovona pose painamata vanhu vaMwari. Minana yaiitika panguva idzi. Njodzi dzaishandurwa. Dzichipedzisira wava mufaro. Ndizvo zvichiri kuitika nhasi. Minamato yedu inogadzirisa zvinhu. Saka ungasangana hako nezvinhu. Hazvina basa kuti zvinhu zvacho zvii. Namata. Munamato wemunhu akarurama unoshanda. Unoita kuti simba raMwari rishande. Richigadzirisa zvinhu.
Namata zvinowirirana neShoko raMwari. Iwe wava muna Muponesi. Saka une masimba awava nawo. Shandisa masimba aya. Shandisa zita raJesu. Zikanwa nezita iri. Unozogadzirisa zvinonetsa. Namata wakagutsikana. Uchiziva kuti une kodzero yekunzwikwa naMwari. Hazvina basa kuti unenge uri kunamatira zvipi. Ungava uchizvinamatira iwe pachako. Kana kunamatira hama yako yepedo. Kana nyika yako. Kana kuponeswa kwevanhu. Kana kuparidzwa kweRuponeso. Namata wakagutsikana. Mwari vanoda kudavira minamato yedu. Ndiko kusaka vachida kuti tinamate.
Usazongonamata wapererwa. Tanga nemunamato. Unenge uri kutogadzirisa zvinhu zvako ipapo. Munamato ndiwo watinoshandisa kugadzirisa zvinhu. Ndiwo watinoshandisa kuunza simba raMwari muzvinhu zvedu. Tichiita kuti zvinodiwa naMwari zviitike panyika. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa mvumo yekunamata. Uye kunamata kune simba. Minamato yangu inogadzirisa zvinhu. Inoshandura zvinhu muhupenyu hwangu. Inoshandura zvinhu muhupenyu hwevanhu. Apa ndinenge ndiri kushandisa simba remumweya kugadzirisa zvinhu. Ndichiita kuti zvinodiwa naMwari zviitike muhupenyu hwangu. Nemuhupenyu hwehama dzangu dzepedo. Nemunyika dzepasi rino. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 5 ndima 14 kusvika 15
Mariko 11 ndima 24.
Vafiripi 4 ndima 6 kusvika 7
Johane 16 ndima 23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church