Chikunda
English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Hupenyu HweVamwari. HweKururama
Chipiri, 31 Ndira 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa" (1 Pita 2 ndima 9).
Chikristu hupenyu hweVamwari. Hupenyu hwekururama. Hwekudzo. Hwerugare. Hupenyu uhu hunotoraramiwa panyika pano. Hatisi kuzohurarama kana tava kudenga. Isu tinotova vanhu veropa raMuponesi. Tarurama saivo. Tava verudzi rwavo. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna 1 Johane 4 ndima 17. Inoti, "Nokuti tichiri pano panyika hedu. Asi zvavari ivo. Ndizvo zvatirivo isu".
Vakorose 3 ndima 3 kusvika 4 ine zvainotitaurira. Zvinhu izvi zvinoshamisa chose. Inoti, "Nokuti makafa. Hupenyu hwenyu hwavigwa muna Mwari. Hwavigwa pamwe chete naMuponesi. Pachazovonekwa Muponesi ava. Vanova ndivo hupenyu hwedu. Nemivo muchavonekwa muri pamwe navo. Muri verudzi rweVamwari". Muponesi ndivo hupenyu hwako. Iwe wakashanduka rudzi. Hauchisiri weropa revanhu venyika ino. Wava weropa raMwari. Waimbova nehupenyu hwakanyangara. Hwekugara uchikurirwa. Asi Jesu vakabvisa hupenyu uhu. Vakabvisa hupenyu hwako hwezvivi. Vakakupa hupenyu hweVamwari. Ihwo hupenyu hwekururama.
Muponesi ndivo vava hupenyu hwako. Saka wava werudzi rweVamwari. Kureva kuti hazvichagoni kuti uve nechirwere chinoramba kupora. Kune vamwe vari kunyengerwa naSatani. Vanhu ava vakazvarwa havo kechipiri. Asi vachiri kufunga kuti hapana chakashanduka pavari. Satani ndiye ari kuita kuti vafunge kudai.
Iwe waimbova werudzi rwenyika ino. Apa ndipo pawairarama murima. Uchigara wakasuwa. Uchirwara rwara. Uchigara uchirwadziwa. Asi zvino washanduka rudzi. Saka zvinhu zvose izvi hauchisina. 2 Vakorinde 5 ndima 17 inoti, "Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva".
Une nyika yawava kugara zvino. Iyi inyika yeVamwari. Inyika yekururama. Ndiko kusaka wava kurarama hupenyu hweVamwari. Uchibereka zvibereko zvekururama. Uchiita mabasa evakarurama. Chirarama semunhu werudzi rweVamwari. Gara uchivimba naMwari. Uchishandisa Shoko ravo pakurarama kwako. Uchiziva kuti hupenyu hwako hwava hweVamwari. Hareruya!
Pupura Uchiti
Ini ndinovimba naMwari zvachose. Mwari ndivo vanovonekwa pahupenyu hwangu. Kururama kwaMuponesi ndiko kwava kuvonekwa pahupenyu hwangu. Mweya wangu wava weropa raMuponesi. Ropa iri ndiro rava kufamba mumoyo mangu. Nemumuviri wangu wenyama. Mwari ngavakudzwe saMwari!
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 1 ndima 26 kusvika 27
1 Johane 4 ndima 17
Johane 17 ndima 22
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church