Chigarwe English Ndau Shona 


Rudo. NeKururama


China, 13 Kukadzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi (Varoma 5 ndima 17).

Tine chidzidzo chatakaita nezuro. Tine chipo chatakataura nezvacho muchidzidzo ichi. Ichi chipo chehupenyu husingaperi. Chipo chekushandurwa rudzi. Tichiitwa vanhu veropa reVamwari. Mweya yedu ndiyo inoshandurwa rudzi kudai. Inoshandurwa patinozvarwa kechipiri. Pane zvinoiswa mumweya yedu patinoshandurwa rudzi kudai. Zvinhu izvi zviviri. Chekutanga rudo. Chechipiri kururama. Zvinhu izvi hazvina kumwe kwazvinowanikwa. Saka munhu angazvarwa kechipiri. Rudo rwaMwari runobva rwazadzwa mumoyo make. Mweya Mutsvene ndivo vanoruisa maari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma 5 ndima 5.

Munhu uyu anenge ava naMuponesi. Muponesi ava vanenge vava mukati make. Kureva kuti anenge ava naMwari maari. Zvichirevavo kuti anenge ava werudzi rwaMwari. Zvino Mwari rudo. Saka naiye anenge avavo nerudo. Rudo urwu runenge rwava mumweya wake. Iye anenge ava kufanira kurega rudo rwacho ruchivonekwa. 2 Vakorinde 5 ndima 19 inoti, Kureva kuti Mwari vakanga vari muna Muponesi. Vachidzosa vanhu kwavari. Vasingavaverengeri zvivi zvavo. Vakabva vaisa shoko mumavoko edu. Shoko iri ndiro ratinoshandisa kudzosa vanhu kwavari. Mwari vanotida. Vanotifarira. Ndiko kusaka vakatitumira Mwanakomana wavo. Vakabva vatipa basa. Iri ibasa rekudzosa vanhu kwavari. Tichivataridza kuti Mwari vanovafariravo.

Chinhu chechipiri kururama. Muponesi vakakuita munhu akarurama. Iwe wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakauya warurama. Wava werudzi rweVamwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso 4 ndima 24. Varoma 5 ndima 18 kusvika 19 inoti, Saka kana munhu wose aifanira kuraswa. Nokurangwa. Achirangirwa kutadza kwemunhu uyu mumwe chete. Nenzira imwe cheteyo. Munhu wose anofaniravo kuwana chipo ichi. Chisingabhadharirwi. Kuti awanikwe asina mhosva yaakapara. Nokuti kana munhu mumwe chete akarega kuteerera. Vakawanda vakanzi vatadza. Zvinoreva kuti vakawandavo vanofanira kunzi varurama. Nokuti munhu mumwe chete akateerera. Chimbofungisisa pamusoro peizvi.

Hongu. Wakaita zvivi zvakawanda. Asi Muponesi Jesu vakakupa kururama kwavo. Muponesi Jesu ava munhu akarurama. Asi vakaita kuti usaverengwa semunhu akambotadza. Saka wava kugona kumira pamberi paMwari. Unomirapo sekumira kwavanoita ivo. Iwe wava muna Muponesi Jesu. Saka wachena saJesu. Mweya Mutsvene vakakusuka. Vakakusanangura. Vakakururamisa. Iwe wakashandurwa rudzi. Wava munhu werudzi rweVamwari. Saka warurama. Nokudero wava kutonga panyika pano. Unotonga kudai wakamiririra Muponesi Jesu. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munondifarira. Rudo rwenyu rwakadirwa mumoyo mangu. Makandipavo chipo chekururama. Saka ndava kutonga panyika pano. Ndinotonga kudai ndakamiririra Muponesi Jesu. Ndinoshandisa simba rerudo pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba rekururama kwenyu. Ndinokutendai. Makandiita Mumwari. Makaita kuti pasava nemhosva yandingapomerwa. Ndinorarama semunhu anonzwisisa izvi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 21
Vafiripi 3 ndima 9
Isaya 61 ndima 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church