English Shona 


Kururama Kwavo Kunovonekwa Patiri


China, 13 Kurume 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Muponesi ava vakanga vasina chivi. Vachitozviziva kuti vakanga vasina chivi. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechivi. Kuti isu tive kururama kwavo kuya. Kuri muna Muponesi' (2 Corinthians 5:21).



Mweya Mutsvene ndivo vakafemera mashoko atavhura nawo. Natsa kumaongorora. Anoti Muponesi vakaitwa chipiriso chezvivi zvedu. Vachitsvaka kuti isu tigova mavari. Tigova kururama kwavo. Izvi zvakadzama chose. Zvakasiyana nekungoruramiswa. Isu hatina kungoruramiswa chete. Patiri ndipo pava kuvonekwa kururama kwaMwari. Vanhu vanotivona vanogutsikana kuti Mwari vakarurama. Izvi ndizvo zviri Vamwari. Ndizvo zvinovimbiswa neshoko reRuponeso. Patiri ndipo panovonekwa runako rwaMwari. Patiri ndipo panovonekwa tsitsi dzavo. Ndipo panovonekwa nyasha dzavo. Ndipo panovonekwa mazano avo. Ndipo panovonekwa simba ravo. Ndipo panovonekwa Mwari.



Mwari vanovonekwa patiri. Zviri pana Mwari Baba zvose zvinovonekwa patiri. Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Tinoaverenga muna Johane 14 ndima 9. Inoti, '' Munhu angandivona ini. Munhu uyu anenge atovona Baba ''. Vakataura zvekare muna Johane 10 ndima 30 vachiti, 'Ini. NaBaba vangu. Tiri munhu mumwe chete. Tiri verudzi rumwe'. Pana Jesu ndipo paivonekwa moyo waMwari Baba. Ndipo paivonekwa Mwari Baba. Vahebheru 1 ndima 3 inotsanangura Jesu ava. Inoti pavari ndipo panovonekwa Mwari Baba. Ndivo vanomiririra Mwari Baba. Anoda kuvona Mwari Baba anofanira kuuya kwavari.



Isu takafanana naJesu ava pazvose. Izvi ndizvo zvatinotaridzwa muna 1 Johane 4 ndima 17. Ndima iyi inoti isu tichiri panyika pano hedu. Asi zvakaita Jesu ndizvo zvatirivo isu. Kureva kuti Mwari Baba vanovonekwa patirivo isu. Moyo waMwari unovonekwavo patiri. Izvi ndizvo zvinoreva kururama. Moyo waMwari ndiko kururama kwavo. Moyo wavo uyu wava kuvonekwa patiri. Vanhu vanouvona kose kwatingaenda. Vanouvona muzvinhu zvose zvatinoita. Mwari ngavakudzwe!



Namata Uchiti

Baba vekudenga vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti Muponesi Jesu vave chivi. Vakava chivi kunyangwe ivo vaisaziva chivi. Makavaita chivi kuti vanhu vagovona kururama kwenyu pandiri. Kuti vanhu vakuonei pandiri. Vachikuvonai muzvinhu zvose zvandinoita. Vanhu vanovona runako rwenyu pandiri nhasi. Vanovona simba renyu pandiri. Muzita raJesu. Ameni.



Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaRoma 3:21-22; VaRoma 5:17-18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church