English Shona 

Taura SeMunhu Anofarira Vanhu

Muvhuro, 17 Kurume 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Mashoko akashata ngaasabuda mumiromo yenyu. Asi akanaka. Anosimudzira vanhu. Anopa nyasha kuvanhu vanoanzwa' (Ephesians 4:29).



Iwe unotaura mashoko akaita sei? Mashoko ako anotaridza kuti unofarira vanhu here? Kana kuti anobaya semunondo? Zvirevo 12 ndima 18 inoti, 'Kune vamwe vanotaura zvinobaya mwoyo sebakatwa asi rurimi rwowakachenjera runoporesa'. Iwe unofanira kutaura mashoko anoporesa vanhu. Kune vanhu vanorwadziwa. Kune vamwe vakavora moyo. Mashoko ako anofanira kuporesa vanhu vakadai.



Usataura mashoko anorwadzisa vamwe. Usataura mashoko ekumhura vamwe. Simudzira vanhu. Vakurudzire. Varopafadze. Vawedzere nyasha. Mwari ndivo vakakupa muromo wako. Vanoda kuti uushandise kuropafadza vanhu. Havadi kuti uushandise kutuka vanhu. Kana kutaura mashoko anopesanisa vanhu.



Tarisa zvaiitwa naJesu. Mashoko avo aikurudzira vanhu. Aivaka vanhu. Aisimudzira mweya yevanhu. Vanhu vaitsvaka kunzwa mashoko aJesu. Ruzhinji rwevanhu rwaifadzwa nemashoko avo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mariko 12 ndima 37. Mashoko aJesu aivazorodza. Aivabatsira kutarisira zvakanaka muhupenyu. Aivatuma kuvimba naMwari. Achivazivisa kuti Mwari vaivafarira.



Vaefeso 3 ndima 17 kusvika 19 inoti, 'Kuti Muponesi vagare mukati menyu. Nokuda kweruvimbo rwenyu. Midzi yenyu ichidzika murudo. Nekusimbiswa. Mugogona kunzwisisa. Pamwe nevamwe vatsvene vose. Kuti rudo rwaMuponesi rwakafara sei. Rwakareba sei. Rwakadzika sei. Uye kuti rwakakwirira sei. Irwo rudo irworwo rusingagoni kunzwisisiwa nepfungwa dzemunhu. Uye kuti zvinhu zviya. Zvinowanikwa muna Mwari. Zviwanikwevo mamuri. Zvakakwana'. Zvinowanikwa muna Mwari zvinofanira kuwanikwavo mauri. Zvinofanira kuwanikwa zvose. Zvino Mwari rudo. Kureva kuti newevo unofanira kuva nerudo rwaMwari.



Rudo rwaMwari rwakadururwa mumoyo medu. Rwakadururwamo naMweya Mutsvene. Asi rudo urwu runofanira kuvonekwa pauri. Runovonekwa mumashoko aunotaura. Runovonekwavo muzvinhu zvaunoita. Taura semunhu anofarira vanhu. Mabasa ako anofanira kutaridza kuti unofarira vanhu. Vanhu vose vanofanira kufadzwa kuva newe. Kunyangwe vana vadoko vanofanira kufadzwa kuva newe. Mashoko ako ndiwo anofanira kuvakwevera kwauri. Mashoko aya anofanira kuva anovaka. Anofanira kuvasiya vachinzwa kuti vakakosha. Hupenyu hwako hunofanira kuropafadza vanhu.



Saka vanhu vanofanira kuwana rugare pauri. Vanofanira kugona kufara vari pauri. Muponesi vanofanira kuvonekwa pane zvose zvaunoita. Izvi hazvirevi hazvo kuti munhu wose achafadzwa newe. Kunyangwe Jesu havana kugamuchirwa nemunhu wose. Ivo vakanga vakanaka chose. Asi kune vakanga vachipokana navo. Saka haasi munhu wose achafadzwa newe. Asi izvozvo hazvifaniri kushandura hunhu hwako. Mashoko ako anofanira kuva nenyasha. Anofanira kusimudzira vanhu. Anofanira kuita kuti vanhu vagutsikane kuti Mwari vanovafarira. Ndizvovo zvinofanira kuita mabasa aunoita.



Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makazadza moyo wangu nerudo rwenyu. Makazadza moyo wangu nenyasha dzenyu. Ndinotaura mashoko anosimudzira vanhu. Ndinotaura mashoko anovaka vanhu. Runako rwenyu runovonekwa pahupenyu hwangu. Vanondivona vanogutsikana kuti imi munovafarira. Ndiri chiropadzo kuvanhu vose. Muponesi ndivo vanovonekwa pahupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.



Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaKorose 4:6; Zvirevo 15:1; Jakobo 3:17-18; VaEfeso 4:29 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church