Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Mwari Vari Kutarisira Kuti Iwe Ndiwe Uchabatsira Nyika Ino
Mugovera, 18 Kurume 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Ini ndikabva ndati, 'Tarirai. Ndauya kuzoita zvamunoda. Imi Mwari. Ndini uya akanyorwa mumagwaro" (Vahebheru 10 ndima 7).
Dzimwe nguva tinotsvaka kuti Mwari vabatsire nyika. Vagadzirise matambudziko evanhu. Asi tinenge tisiri kutoziva kuti isu tisu tinofanira kugadzirisa matambudziko aya. Mwari vanotarisira kuti isu tiagadzirise. Mwari vanoshanda vari matiri. Isu tisu mavoko avo. Tiri mavoko avo avanoshandisa kusvitsa maropafadzo panyika. Ivo vanotiropafadza. Vobva vatibatisa maropafadzo enyika ino. Vachitarisira kuti tisvitse maropafadzo aya kuvanhu vatinosangana navo.
Mwari ndivo vakasika zvinhu zvose. Vakazvisika zviri zvakanaka. Izvi ndizvo zvinotaura Shoko ravo. Mwari vakasika vanhu. Vakavasika kuti vagare vari murugare. Vakafara. Vasina chingavakanganisa. Vakafuma. Vaine zvose zvinodiwa. Zvino Mwari vanoda kuti isu tiite kuti nyika igare yakanaka kudai. Panyika pane zvinhu zviri kuitika. Zvinhu izvi hazvisi izvo zvinodiwa naMwari. Saka vanoda kuti tigadzirise zvinhu izvi. Tisu tinofanira kuunza zvakanaka zvaMwari panyika. Izvo zviya zvavanogamuchira. Nezvavanofarira. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma 12 ndima 2.
Izvi zvinotirangaridza mamwe mashoko aJesu. Tinoaverenga muna Matiyo 18 ndima 18. Inoti, "Ndinokuudzai chokwadi. Mungasunga chinhu muri pano panyika. Chinhu ichi chinobva chatosungwavo kudenga. Mungasungunura chinhu muri pano panyika. Chinhu ichi chinobva chatosungunurwavo kudenga". Vanhu vanofanira kuvona Mwari patiri. Tisu tinoita kuti zvinofarirwa naMwari zviitike panyika. Tisu tinounza zvakanaka zvaMwari panyika pano.
Pane zvinhu zvinotsvaka kuuya panyika pano. Tisu tinoongorora chimwe nechimwe chazvo. Tichingobvumira zvinodiwa naMwari chete kuti zvipinde. Ndiko kusaka zvisikwa zvose zvichitarisa kwatiri. Izvi ndizvo zvatinoverenga muna Varoma 8 ndima 19 kusvika 22. Inoti, "Nokuti zvisikwa zvose. Zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti vanakomana vaMwari vauye. Vavonekwe. ... Nokuti zvisikwa zvose zvichasungunurwa. Zvichabviswa pasi pesimba rinoparadza. Zvichipinzwa murusungunuko rwevanakomana vaMwari. Runoshamisa. ...".
Nyika iri kutambura. Isu tisu tingatogadzirisa matambudziko ayo. Tisu tiripo kuiunzira mufaro. Kururama. Rugare. Nefuma. Tisu tiripo kusungunura nyika. Tichiibvisa pane zvinoparadza. Tichiipinza murusungunuko rwevanakomana vaMwari. Irwo rusungunuko ruya runoshamisa zvikuru. Zvino isu tiri kutoita basa iri. Hareruya!
Pupura Uchiti
Ndini ruvoko rwaMwari. Irwo ruvoko ruya rwavanoshandisa kuita mabasa avo panyika pano. Ndini ndiripo kubatsira nyika ino. Inyika inorwadziwa zvikuru. Mwari vanoshandisa ini. Vanondishandisa kuzadza kururama kwavo panyika. Vachivandudza zvinhu. Vachizvinatsa. Nekuzvishongedza. Vachipa hupenyu kuzvisikwa zvose. Nekuzvipinza zvose murusungunuko rwevanakomana vaMwari. Irwo rusungunuko ruya runoshamisa. Hareruya.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jeremiya 1 ndima 10 kusvika 12
VaRoma 8 ndima 19 kusvika 21 AMPC
Mariko 16 ndima 15 kusvika 18
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church