Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Zita RaJesu Rinoporesa. Rinopa Hutano Hwakanaka
Svondo, 19 Kurume 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Zita rake ndiro rasimudza munhu uyu. Wamunovona mose. Wamunoziva. Agamuchira zita raJesu. Ndiko kusaka aporeswa. Akanaka zvamunovona mose kudai" (Mabasa 3 ndima 16).
Tinofanira kushandisa Zita raJesu. Tinozoshamiswa nezvatinozogona kuita. Pamwe nezvatinozogona kuwana. Tinozowana maropafadzo mazhinji. Uye tinozorarama hupenyu hweVamwari. Tine zvataverenga mundima yatavhura nayo. Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi. Zita raJesu rinoporesa. Rinopa hutano hwakanaka. Rinogwinyisa muviri wako. Mwari ngavakudzwe saMwari.
Vanhu vaisitsvaka kubata mupendero wenguvo dzaJesu. Vachibva vaporeswa pakarepo. Izvi ndizvo zvatinovona munhoroondo dzehupenyu hwaJesu. Mumwe wevanhu ava akanga ari mukadzi. Mukadzi uyu aibuda ropa. Tinoverenga nhoroondo yake muna Ruka yesere. Mukadzi uyu akauya kuna Jesu. Akauya nekumashure kwavo. "Ndokubata nguvo yaJesu. Akabata mupendero wayo. Ropa riya rakabva ramira kubuda". Izvi ndizvo zvatinoverenga muna Ruka 8 ndima 44.
Mundima iyi mune shoko rinoti, "mupendero". Shoko iri rakaturikirwa kubva kushoko rinoti, "Kraspedon". Iri ishoko reChigiriki. Rinoreva minzva. Iyi minzva inenge iri pamupendero wenguvo. Tinoverengavo pamusoro pevamwe vanhu. Vanhu ava vakanga vachigara mudunhu reGenazareta. Tinoverenga nhoroondo yavo muna Matiyo yegumi nena. Jesu vakasvika mudunhu iri. Vanhu ava vakamhanyira kwavari. Vakanga vachitsvaka kuporeswa. Matiyo 14 ndima 36 inoti vanhu ava "Vakakumbira kubata mupendero wenguvo dzaJesu. Havana zvimwe zvavakakumbira. Vakawanda vakaubata. Vakaporeswa vose ".
Tenzi havana chavakafanira kuita. Vakangosiya vanhu ava vachibata mupendero wenguvo yavo chete. Vanhu ava vakabva vapora. Asi izvi hazvisi izvo zvatinofanira kuita nhasi. Hatifaniri kutsvaka kubata nguvo dzaJesu. Tinongotaura zita raJesu chete. Zvirwere zvose zvinobva zvatoenda. Nhuta dzinobva dzatopera. Vakaremara vanobva vatopora. Zita raJesu ndiro ratinofanira kushandisa munguva yedu ino.
Mariko 6 ndima 56 inoti kose kwakaendwa naJesu, "Mungava mumisha. Mungava mumaguta. Vanhu vaifanoradzika varwere munzira yavo. Vaibva vakumbira kungobata havo mupendero wenguvo yaJesu. Vaibata vaibva vapora". Simba iri richiripo nhasi. Rava kuwanikwa muzita ravo.
Ndiko kusaka vakatiraira. Vakati tinofanira kuporesa varwere. Tinofanira kusuka vane maperembudzi. Tinofanira kumutsa vakafa. Izvi ndizvo zvatinoverenga muna Matiyo 10 ndima 8. Mariko 16 ndima 17 kusvika 18 inoti, "Zvinhu zvinotevera ndizvo zvichavonekwa pane vaya. Vanenge vandigamuchira. ... Vachaporesa varwere. Vanovaporesa nokungovabata nemavoko avo". Mwari ngavaropafadzwe!
Namata Uchiti
Ishe. Ndinonyengeterera vana venyu. Ivo vavo vanorwara. Ngavasimuke. Pasawana chinovasunga. Vaporeswe. Muzita raJesu. Ivo vava veropa renyu. Nokudero miviri yavo yakakwana. Muponesi vava kugara mavari. Muponesi ava ndivo vanoita kuti pfungwa dzavo dzishande zvakanaka. Nekugwinyisa miviri yavo. Hareruya!
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 10 ndima 10
Mabasa Avapostora 3 ndima 16 AMPC
VaFiripi 2 ndima 9 kusvika 11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church