English
Ndau
Ndebele
Shona
Tinotaura Zvisingazikanwi NeVanhu
Chipiri, 15 Kubvumbi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti anotaura nedzimwe ndimi haatauri kuvanhu. Asi kuna Mwari. Nokuti hapana munhu anomunzwisisa. Kunyangwe zvakadero. Anenge ari kutaura mumweya. Achitaura zvinhu zvakavanzwa kuvanhu (1 Vakorinde 14:2).
Iwe ungataura nendimi. Unenge uri kutaura zvinhu zvisingazikanwi nevanhu. Wanga uchizviziva here? Zvinhu zvacho zvingava zvehutano hwako. Kana zvemabasa ako. Kana zvemhuri yako. Kana zvauchafanira kuita. Asi zvinhu izvi zvinenge zvisinganzwisisiwi nepfungwa dzevanhu. Ndiko kusaka uchifanira kuva nechipo chekududzira ndimi. Chipo ichi chinoita kuti pfungwa dzako dzizive zvaunenge uri kutaura nendimi zvacho.
Ndimi dzakakosha zvikuru. Asi vakawanda havasati vanzwisisa izvi. Ndiko kusaka vasingavoni zvakakosha kudzidudzira. Iwe ungada kunzwisisa hutano hwako. Taura nendimi. Unenge uri kutotaura pamusoro pehutano hwako uhu. Mweya Mutsvene vanenge vari kutotsanangura zvinenge zviri kuitika muhutano hwako. Saka unofanira kuzodudzira ndimi idzi. Ndiko kuti pfungwa dzako dzigoziva zvauenge uri kutaura izvi.
Pane zvinhu zvinoitika muhupenyu hwedu. Isu hatifaniri kunge tisiri kunzwisisa zvinhu izvi. Saka tinofanira kutaura ndimi. Apa tinenge tiri kutotsanangura zvinhu zvacho. Mweya Mutsvene vanozotibatsiravo kududzira zvinhu izvi. 1 Vakorinde 2 ndima 6 kusvika 11 inoti, Nokuti tinotaura mazano aMwari Tinoataura nechibhende. Iwo mazano aya. Ekuti tive verudzi rwavo. Iwo akanga akavanzwa. Akarongwa naMwari nyika isati yavapo. ... Sezvakangoitavo munhu. Hapana angaziva zviri maari. Kunze kwemweya wake uri maari. Nezvinhu zvaMwari hazvinavo angaziva. Kunze kwaMweya vaMwari.
Iwe ungataura nendimi. Wobva wadudzira ndimi dziya. Unenge wafanana nemunhu anotaura zviri mumweya. Saka tinogona kuvona zvinhu mumweya. Tobva tazvitaura. Kana kuti tinotaura nendimi. Tobva tadzidudzira. Tinozowana kuti tinenge tiri kutaura zvinhu zviri mumweya. Une zvauri kuda kuziva pamusoro pekwaunodzidza here? Kana pamusoro perwendo rwauri kuda kuita? Kana pamusoro pevana vako? Kana pamusoro pemari dzako? Kana pamusoro pemabasa ako? Kana pamusoro pekutama kwauri kuda kuita? Unoda kuziva zvinodiwa naMwari pazvinhu zvose izvi here? Tanga wanamata nendimi. Unozotanga kutaura zvinhu izvi. Uchizvitaura nemutauro wendimi. Uchizopedzisira wazvinzwisisa. Saka iwe unogona kuziva zvawakarongerwa naMwari. Unozviziva kana ukataura nendimi.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kutaura nendimi. Ichi chiropafadzo chikuru. Nokuti ndine zvinhu zvandinenge ndiri kutsanangura ndichitaura kudai. Zvinhu zvacho ndezviya zvisinganzwisisiwi nepfungwa dzevanhu. Mweya Mutsvene ndivo vanenge vari kutondipinza mugwara randakarongerwa naMwari. Ndinowana mazano aMwari. Mazano aya anondibatsira kugadzirisa zvinhu. Simba raMwari riri kushanda mandiri. Riri kundiita mutano. Riri kundipa simba. Riri kundifumisa. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 14:14-15
1 Vakorinde 2:9-10
Varoma 8:26-27
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church