English
Ndau
Ndebele
Shona
Nzira Chaiyo Yatinofanira Kunamata Nayo
Svondo, 27 Kubvumbi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Mugare muchinamata. Muchikumbirira vanhu. Muchinamata mhando dzose dzeminamato. Muchinamata mumweya. Muchirindira. Muine moyo murefu. Muchinyengeterera vatsvene vose (Vaefeso 6:18)
Vakristu vanofanira kunamata mumweya. Iyi ndiyo nzira chaiyo yavanofanira kunamata nayo. Kunamata mumweya ndiko kunamata nedzimwe ndimi. Iwe unganamata nendimi. Mweya wako ndiwo unenge uri kunamata. Pfungwa dzako dzinenge dzisina zvadziri kubatsira pamunamato wacho. Kune vanhu vanorarama mumweya. Vanhu ava vanotanga vanamata mumweya. Vozonamata vachishandisa pfungwa dzavo.
Asi vakawanda havanamati nenzira iyi. Vanonyanya kunamata vachishandisa pfungwa dzavo. Vozongonamata nendimi zvishoma. Izvozvo hazvina kunaka. Hazvishandi. Rangarira ndima yatavhura nayo. Inotizivisa kuti kune mhando dzakawanda dzeminamato. Asi inoti tinofanira kunamata nendimi pose patinonamata nemhando dzose idzi.
Izvi zvinoda kufanana nezvingataurwa nachiremba. Iye angati, Inwa mushonga uyu pose paunodya. Saka iwe ungazodya hako kudya kwemhando dzakasiyana siyana. Asi unenge wakafanira kunwa mushonga wacho pose paunodya kudai. Saka unosvusvura mangwanani. Wobva wanwa mushonga uya. Wodya masikati. Wobva wanwa mushonga uya. Wozoraira manheru. Wonwazve mushonga uya. Unenge uri kunwa mushonga zvisinei kuti wadya kudya kwemhando ipi. Izvi ndizvo zviri kutaurwa naMwari. Vanoti tinofanira kutaura nendimi zvisinei kuti tiri kunamata munamato wemhando ipi. Munamato wacho ungava wekukumbirira vamwe. Kana kuti watinotaura sevanhu vanovimba naMwari. Kana kuti wekunamata Mwari.
Pauro anojekesa izvi. Tinoverenga mashoko ake muna 1 Vakorinde 14 ndima 13 kusvika 15. Inoti, Nokuti pandinonamata nedzimwe ndimi. Mweya wangu ndiwo unenge uri kunamata. Pfungwa dzinenge dzisiri kuzvinzwisisa. Saka dzinenge dzisiri kubatsira pamunamato uyu. Saka chii chandinofanira kuita? Ndichatanga ndanamata mumweya. Ndozonamata ndichishandisa pfungwa dzangu. . 1 Vakorinde 14 ndima 2 inoti, Nokuti anotaura nedzimwe ndimi haatauri kuvanhu. Asi kuna Mwari. Nokuti hapana munhu anomunzwisisa. Kunyangwe zvakadero. Anenge ari kutaura mumweya. Achitaura zvinhu zvakavanzwa kuvanhu.
Zvijaidze kunamata nendimi. Namata nendimi zuva rimwe nerimwe. Unofanira kutokoshesa kunamata uchidai. Unozokurira zvinonetsa muhupenyu. Hupenyu hwako hunozoshanduka. Uye hapana njodzi inozongokaruka yakuwira. Muviri wako wenyama unozogara uchigwinyiswa. Uchivandudzwa nesimba reVamwari. Iro simba riya rinoshanda mauri kana uri kunamata nendimi. Saka hutano hwako hunozovandudzwavo.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kunamata. Ichi chiropafadzo chikuru. Chinondipa mukana wekuunza maropafadzo edenga panyika pano. Ndinonamata mumweya. Nokudero mweya wangu unofambirana nezvamakaronga imi. Ndinokutendai. Kunamata uku kunondikundisa. Kunoita kuti ndigone kuita basa rangu. Iro basa riya remurindi. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Judhi 1:20
Varoma 8:26
1 Vatesaronika 5:17
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church