Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
Ivo Vanokubatsira Kugadzirira Zvichauya
Mugovera, 10 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara (Mapisarema 107 ndima 7).
Mwari ndivo vakabudisa vana vaIsiraeri muEgipita. Vakavaendesa kunyika yavakanga vavavimbisa. Asi havana kuvapfuudza nemunyika yeVafirisitiya. Nzira iyi ndiyo yaiva fupi hayo. Asi Vaisiraeri ava vakanga vari varanda muEgipita. Saka vakanga vasati vakamborwa hondo. Havaizogona kumirisana neVafirisitiya. Vaizovatiza.
Saka ishe vakavaendesa nenzira yekutenderera. Iyi inzira yaipfuura nepaGungwa Dzvuku. Ichizonodarika nemurenje. Munzira iyi ndimo mavakavona zvishamiso. Mwari vakavapa zvekudya. Nezvekupfeka. Mwari vakawanavo nguva yekuzvitaridza kuVaisiraeri munzira iyi. Vakazvitaridza seMurapi wavo. Vakazvitaridzavo seMufudzi wavo. Vaisiraeri ava vakazosangana nehondo. Apa vakanga vagadzirira. Vakabva vaziva Jehovha seMurwiri wavo.
Izvi zvinoreva kuti Mwari vanogadzirira vanhu vavo. Vanotanga vavabatsira kuvimba navo. Vozovarega vachisangana nezvinhu zvingavarwisa. Pangava nezvinhu zviri kuitika muhupenyu hwako. Zvinhu zvacho zvingasava zvakakunakira. Saka ungashaiwa kuti sei zviri kuitika. Kuda wava nenguva wazvarwa kechipiri. Uye unonamata zvikuru. Asi une zvinhu zvisati zvakumirira zvakanaka. Usanetseka hako. Mwari vanogona kunge vachiri kukubika. Saka vimba navo. Taura uchiti, Ini ndichiri kudzidza. Uye ndiri kukura. Saka ndiri kusvika chete! Mwari ngavakudzwe saMwari!
Ndinorangarira ndichiita vhuserere rangu rekutanga. Ndakanga ndichine makore gumi nemashanu. Ndakanga ndambotanga ndichipinda mudzimba. Ndichiparidzira vanhu. Ndichiparidzira vandaisangana navo. Ndichiparidza kumabasa. Nemuzvikoro. Ndichiparidziravo vanhu vezera rangu. Havasi vose vaigamuchira mashoko angu. Asi handina kunetseka naizvozvo. Ndaida kungoita zvakarairwa NaJesu. Ivo vakatiti tiparidze.
Vakawanda vaigamuchira mashoko angu. Vachiponeswa. Asi havaenzani nevandava kuparidzira ikozvino. Ndaisagona kutaura kuvanhu vakawanda panguva iyoyo. Mwari vaisandiunganidzira zviuru makumi maviri zvevanhu panguva imwe chete panguva iyi. Ndaifanira kutanga ndambobikwa. Ndambokura. Kutaura kuvanhu vakawanda kudai ibasa guru. Rinoda munhu akabikwa. Rinoda munhu akura. Asi ikozvino ndakura. Ndava kutaura kuzviuru zvezviuru zvezviuru zvevanhu panguva imwe chete.
Isu tinowanzoda kuti zvinhu zvimhanye. Ndiko kusaka midziyo yemazuva ano ichimhanya chose. Asi Mwari havashandi vachidero. Ivo vakagara varipo. Ndivo Mutana weMakore. Vane mashandiro avo. Vane nguva yavo. Uye vane zvavakananga. Saka vanotanga vatigadzirira. Vachiita kuti tigone kumirisana nezvichauya mangwana.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munonditungamirira nenzira yandinofanira kufamba nayo. Muchindigadzirira kuti ndigokurira zvandinosangana nazvo. Ndichiita zvinhu zvinokufadzai imi. Ndinovimba nemazano enyu. Ndinoshanda nenguva yenyu imi. Ndichikura. Hunyanzvi hwangu huchiwedzera. Kuti ndigone kurarama hupenyu chaihwo hwamakandirongera. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ekisodho 13 ndima 17 kusvika 18
Varoma 5 ndima 3 kusvika 4
Jakobo 1 ndima 2 kusvika 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church