English
Ndau
Shona
Tiri Midziyo YeKururama
Chitatu, 14 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka musarega zvivi zvichitonga miviri yenyu inofa. Musazvirega zvichitungamirira pakurarama kwenyu. Musakurirwa neruchiva rwenyama yenyu. Uye musarega nhengo dzemiviri yenyu dzichiva midziyo inoshandiswa kuita zvisina kururama. Asi dzipei kuna Mwari. Sevanhu vakamuka kuvakafa. Vane nhengo dzemiviri dzinoshandiswa kuita zvinhu zvakarurama (Varoma 6 ndima 12 kusvika 13).
Iwe wava muna Muponesi. Wakashanduka rudzi. Varoma 6 ndima 10 kusvika 11 inotsanangura zvatava izvi. Inoti chivi chava kukuvona semunhu akafa. Asi Mwari vava kukuvona semunhu mupenyu. Hauchatongwi nezvivi. Hauchatongwi nerufu. Kare ndipo pawaitongwa nechivi. Asi wakazoroverwa pamuchinjikwa. Wakaroverwa pamwe chete naMuponesi. Wakazozvarwa kechipiri. Ukashanduka rudzi. Ukava weropa raMwari. Saka wava munhu mutsva. Warurama. Wava Mumwari. Wava kutongwa naMuponesi Jesu.
Izvi zvinotibatsira kunzwisisa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri. Tinozviverenga muna Varoma yetanhatu ndima yegumi nembiri. Inoti, Saka musarega zvivi zvichitonga miviri yenyu inofa. Musazvirega zvichitungamirira pakurarama kwenyu. Musakurirwa neruchiva rwenyama yenyu. Izvi zvinoreva kuti wava kugona kutonga muviri wako wenyama. Wava kugona kusarudza zvinopinda mupfungwa dzako. Wava kugona kuronga zvose zvinoitika kwauri. Hazvichagoni kuti ukundikane. Hazvichagoni kuti usakare. Hazvichagoni kuti uparadzwe.
Mweya wako hauchisina kufa. Wava munzvimbo inorarama zvinhu. Wava weropa raMwari. Saka ungabata zvinhu. Zvinhu izvi hazviparari. Zvinovandudzika. Nemhaka yei zvichidai? Nokuti kururama kwaMwari kunogadzirisa zvinhu. Kunoraramisa zvinhu. Kunoita kuti zvinhu zvibudirire. Kururama kune simba raMwari. Zvino iwe uri kururama kwaMwari. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu.
Hapana chakasikwa chisingasakari. Zvinhu zvose zviri panyika zvinosakara. Zvinovora. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma 8 ndima 22. Inoti, Nokuti zvisikwa zvose zviri kugomera. Zvichishungurudzika. Nekurwadziwa. Izvozvo tinozviziva chose. Zvisikwa izvi zvakamirira chii? Ndima yegumi nepfumbamwe yacho inotizivisa. Inoti, Nokuti zvisikwa zvose zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti vanakomana vaMwari vauye. Vavonekwe.
Iwe ndiwe uripo kusungunura zvisikwa izvi. Ndiwe uripo kuita kuti zvisasakara. Dzingava nhumbi dzako. Dzingava motokari dzako. Ingava imba yako. Nezvose zvaunazvo. Simba raMwari rinofanira kuvonekwa pazvinhu zvose izvi. Simba iri ndiro riri pauri. Nokuti iwe uri mudziyo wekururama. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Saka ungasvika panzvimbo. Zvinhu zvinofanira kutanga kuvandudzika panzvimbo iyi. Vanhu vangasangana newe. Vanhu ava vanofanira kuvandudzika. Nokuti kururama kwaMwari ndiko kuri kushanda mauri.
Uri munhu anoraramisa zvinhu. Wakatakura simba raMwari. Hauna kungogara panyika pano chete. Uri kutotonga. Unogadzirisa zvinhu. Unovandudza zvinhu. Unofanira kugara uchinzwisisa izvi. Pauri ndipo panovonekwa kururama kwaMuponesi. Wava werudzi rwavo. Wava muboka reVamwari. Saka simba ravo ndiro rawava kushandisa. Vanhu vanovona Mwari pauri.
Pupura Uchiti
Ini ndiri mudziyo wekururama. Ndava munhu weropa raMwari. Saka ndinoraramisa zvinhu. Simba ravo rinovonekwa pandiri. Mazano avo anovonekwa pandiri. Kururama kwaMwari kunovonekwa pazvinhu zvangu zvose. Ndinosungunura zvisikwa. Ndinovandudza zvisikwa. Ndiri mwanakomana waMwari. Iye mwanakomana uya ayaruka. Saka ndinotonga muhupenyu huno. Simba raMwari rinogara richivonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 19 kusvika 21
2 Vakorinde 5 ndima 17 kusvika 21
Vakorose 3 ndima 9 kusvika 10
Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church