English Ndau Ndebele Shona 

Tinoraramira KuVafadza

Chishanu, 21 Chikumi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuda kwaizvozvo. Isuvo. Kubva pazuva ratakanzwa izvi. Tava kugara tichingokunamatirai. Kuti murarame sevanhu vaIshe. Muchifadza Ishe pazvinhu zvose. Mabasa enyu ose akanaka. Achibudirira. Muchigara muchiwedzera kuziva Mwari (Vakorose 1 ndima 9 kusvika 10).

Kuda unganzwa usisina shungu dzekufadza Mwari. Izvozvo zvinoreva kuti unenge usisiri kuda Ishe Jesu. Asi kuda ungava unoda Ishe Jesu. Moyo wako unozogara uchitsvaka kuvafadza. Ishe ndivo vaunenge uchikoshesa. Unenge uchivakoshesa kudarika zvimwe zvose.

Sei zvakakosha kuti ufadze Mwari? Nokuti isu tiri vanhu vaMwari. Tiri vana vavo. Saka tiripo kuvararamira chete. Izvozvo ndizvo zvatava. 2 Vakorinde 5 ndima 15 inoti, Uye munhu uyu akafira vose. Kuti vaya vapenyu vachirega kuzviraramira. Asi vararamire uya. Akavafira. Akamuka kuvakafa.

Mwari havasi Baba vako chete. Ivo baba vaya vari kudenga. NdiIshe wako zvekare. Ndivo vanotonga hupenyu hwako. Iwe wakafanira kuvagamuchira. Ukabvuma kuti ndivo vanotonga hupenyu hwako. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti uponeswe. Ivo ndivo vava kutonga hupenyu hwako. Ndivo vava kutonga zvako zvose. Saka wava kuraramira kuvafadza. Ndiyo nzira yawava kuvanamata nayo.

Ishe Jesu vakambofamba panyika pano. Vakatitaridza kuti tinofadza Mwari Baba sei. Vane mashoko avakataura. Tinoaverenga muna Johane 8 ndima 29. Inoti, ndinoita zvinomufadza. Ndizvo zvandinoita nguva dzose. Johane 5 ndima 30 inoti, Nokuti handitsvaki kuzvifadza. Ndinotsvaka kufadza Baba. Nokuti ndivo vakandituma.

Jesu vaigara vachitsvaka kufadza Mwari Baba. Vakatikurudzira kuti nesuvo titsvake kufadza Mwari seizvi. Vakataura muna Johane 6 ndima 38 vachiti, Nokuti ini ndakatumwa. Ndakabva kudenga. Ndikauya panyika. Kwete kuzoita zvandinoda ini. Asi zvandakatumwa. Vakazotaura mamwe mashoko zvekare. Mashoko aya anofadza Mwari zvikuru. Tinoaverenga muna Johane 4 ndima 34. Vakati, Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu.

Tenzi vakatitaridza nzira chaiyo yekuzvipira kuna Mwari. Inova nzira yekuvafadza muzvinhu zvose. Isu tinofanira kuita zvakaitwa naTenzi izvi. Tinofanira kugara tichifadza Mwari. Ndiko kuti tigare takafara. Hapana chimwe chingatifadza seichi. Tinofaniravo kuda Muponesi Jesu. Tichirarama nenzira yavakararama nayo ivo. Izvozvo ndizvo zvinovafadza zvikuru. Zvinovafadza kudarika zvimwe zvose zvatingaita.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vanondidzidzisa. Vanonditungamirira. Vanondizivisa zvinokufadzai imi. Zvinhu izvi zviri muShoko renyu. Nokudero ndinoita zvinofambirana nezvamakaronga. Shungu dzangu ndedzekukufadzai. Ndidzo dzinondituma kuita zvose zvandinoita. Saka ndinozvipira kurarama hupenyu hwamakandirongera. Ndinorarama hupenyu uhu nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 1 ndima 9 kusvika 10 AMPC
1 VaTesaronika 4 ndima 1
2 Vakorinte 5 ndima 14 kusvika 15

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church