English
Shona
Tava Vanhu VeRudzi RwaMwari
Chipiri, 10 Chikumi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti Muponesi ndivo rugare rwedu. Ndivo vakatiunzira rugare. Vakatibatanidza. Vakatiita munhu mumwe chete. Vaputsa rusvingo rwuya. Rwakanga rwakatiparadzanisa (Vaefeso 2 ndima 14).
Ngirozi dzichagara nekusingaperi. Aya ndiwo manzwisisiro atinodziita. Asi hadzisi dzerudzi rweVamwari. Hadzisi dzeropa reVamwari. Ndiko kusaka dzisingagoni kudyidzana naMwari. Isu toga tisu tinogona kudyidzana naMwari. Tava muna Muponesi Jesu. Saka tava zvisikwa zvitsva. Ndiko kusaka tichigona kudyidzana naMwari kudai. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde yekutanga ndima yepfumbamwe. Inoti, Mwari ndivo vakatendeka. Ivo vakatisarudza. Kuti tive verudzi rweMwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Ishe wedu. Tidyidzane navo.
Saka isu takasiyana nengirozi. Tava vanhu veropa raMuponesi Jesu. Tava kuverengerwa kuboka reVamwari. Tava verudzi rwaMwari. Tisu tatova varidzi vefuma yaMwari. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinozviverenga muna Varoma yesere ndima yegumi nenomwe. Izvi zvinhu zvinoshamisa chose.
Kudyidzana kwedu uku kunoshamisa chose. Isu hatisi vanhu vanongoverengerwa kuboka reVamwari chete. Hatisi shamwari dzaMwari chete. Mwari pachavo vava kugara matiri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane 14 ndima 10. Inoti, Ini ndiri muna Baba. Ivo Baba vari mandiri. Hauzvibvumi here izvozvo? Mashoko aya. Andiri kukutaurirai. Haasi angu. NdiBaba vari kutaura kwamuri. Baba ava vanogara mandiri. Ndivo zvekare vanoita minana iyi.
Iwe unofanira kunzwisisa ndima iyi. Hupenyu hwako hunozoshanduka. Apa Jesu vana Baba vavakataura nezvavo. Ava ndiBaba vaigara mavari. Mweya Mutsvene ndivo Baba vacho. Mweya Mutsvene ava vava kugaravo matiri nhasi. Ndivo Baba vanogara mauri. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde yetatu ndima yegumi netanhatu. Inoti, Hamuzivi here kuti muri imba yaMwari? Uye kuti Mweya vaMwari vanogara mukati menyu?. Ndiko kusaka 1 Johane yekutanga ndima yetatu ichiti, ... isu tiri verudzi rwaBaba. NerweMwanakomana wavo. Ivo Jesu Muponesi. Saka isu tinodyidzana naMwari. Tiri vanhu veropa reVamwari. Tiri Vamwari. Izvozvo ndizvo zvinotisiyanisa nevanhu venyika ino. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munondiitira nyasha. Munondifarira. Uye ndinodyidzana naMweya Mutsvene. Makandiita munhu werudzi rwenyu. Makandiita munhu weropa renyu. Mweya Mutsvene ava vanogara mandiri. Ndinobvuma kutungamirirwa navo. Ndivo vanoronga zvinhu muhupenyu hwangu. Vachiita kuti ndifambirane nezvamakaronga imi. Ndinorarama semunhu werudzi rweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 1 ndima 9 AMPC
Johane 14 ndima 10 AMPC
1 VaKorinte 6:17
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church