English Shona 

Takazvarwa Takarurama. Tiri Vatsvene

China, 19 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Mupfeke munhu mutsva. Akasikwa akafanana naMwari. Akarurama. Aine hutsvene hwechokwadi (Vaefeso 4 ndima 24).

Vatsvene vakawanda havanzwisisi kururama. Havanzwisisi hutsvene. Kusanzwisisa uku kwava nenguva yakareba kuripo. Vatsvene ava vanofunga kuti hapana munhu mutsvene. Vanofungavo kuti hapana munhu anogona kurarama ari mutsvene. Asi izvi hazvisi izvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Bhaibheri rinotitaridza kuti tiri vatsvene. Isu takazvarwa kechipiri. Apa ndipo patakauya tava vanhu vakarurama. Ndipo patakauya tava vatsvene. Tava vanhu vanoera. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Iwe uri mutsvene. Unoera. Uye wakarurama.

Mabasa emunhu haasi iwo anomuita mutsvene. Hutsvene huri muropa. Huri mumweya wemunhu. Vanoera ndivo vatsvene. Izvi ndizvo zvatinovona muBhaibheri. Tinozvivona muSungano yeKare. Tinozvivonavo muSungano Itsva. Munhu anoera ndiye oga anogona kurarama muhutsvene. Hutsvene hahudzidzirwi. Deno hwaidzidzirwa hapana aizofanira kuponeswa naJesu.

Ndizvo zvimwe chete nekururama. Munhu anofanira kutanga aitwa akarurama. Ndiko kuti agone kurarama hupenyu hwakarurama. Ndiko kusaka Mwari vachiisa kururama mumweya wemunhu. Vanokuisa paya panozvarwa munhu uyu kechipiri. Kururama kuri mumweya wemunhu. Ndiko kunoita kuti munhu agone kurarama zvakarurama. Izvi zvinoda kufanana neimbwa. Imbwa haiiti zvekudzidzira kuhukura. Kuhukura kuri muropa rayo. Mutadzi haagonivo kurarama zvakarurama. Hazvisi murudzi rwake.

Saka munhu anofanira kutanga aitwa kururama kwaMwari. Ndiko kuti agone kurarama zvakarurama. Zvino iwe wakatoitwa kururama kwaMwari. Wakaitwa kudai pawakazvarwa kechipiri. 2 Vakorinde yeshanu ndima yemakumi maviri neimwe inoti, Muponesi ava vakanga vasina chivi. Vachitozviziva kuti vakanga vasina chivi. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechivi. Kuti isu tive kururama kwavo kuya. Kuri muna Muponesi. Saka kururama hakushandirwi. Asi kune vanoshingaira chose. Vachitsvaka kuti vave vakarurama. Vanhu ava havanzwisisi Shoko raMwari.

Kururama chipo. Chipo chatinopiwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yeshanu ndima yegumi nenomwe. Mwari ndivo vanotishandura rudzi. Vachitiita vanhu verudzi rwavo. Izvi ndizvo zvinotiita vanhu vakarurama. Zvichiita kuti tigone kurarama nomazvo. Hareruya! Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Zvisizvo kurarama hupenyu hweVamwari kungakunetsa. Ndiko kusaka tichiti Chikristu haisi imwe yenzira dzekunamata nadzo. Kune nzira dzekunamata nadzo. Vanhu vanotevera nzira idzi vanoshingaira. Vachitsvaka kuti vave vatsvene. Vachitsvaka kuti vave vakarurama. Asi izvi hazvisi izvo zvatinoita isu. Takashanduka rudzi. Tava vanhu verudzi rweVamwari. Saka tarurama. Tava vatsvene. Tava kuera. Takazvarwa kechipiri. Apa ndipo patakauya tava vanhu vakarurama. Ndipo patakauya tava vanhu vanoera. Saka tava kugona kurarama sevatsvene. Tava kugona kurarama zvakarurama. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ini ndakashanduka rudzi. Saka kururama kwava mumweya mangu. Hutsvene hwava mumweya mangu. Kureva kuti ndava kugona kuita zvinhu zvakarurama. Ndava kugona kurarama hupenyu hunokufadzai. Ndinorarama semunhu anoziva kuti akarurama. Ndinotonga Satani. Ndinotonga mweya yakaipa. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ndinozvitonga nokuti ndava munhu akarurama. Ndinokutendai Baba. Ndava kurarama hupenyu hweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 5 ndima 17
Vaefeso 1 ndima 4
Vahebheru 3 ndima 1

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church