English Ndau Shona 


Tarira Uri Pamusoro PeGomo

China, 10 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kana makamutswa pamwe naMuponesi. Vavarirai zvinhu zvekudenga. Uko kugere Muponesi ava. Vari kurudyi rwaMwari. Pfungwa dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvekudenga. Kwete pazvinhu zvepanyika pano (Vakorose 3 ndima 1 kusvika 2).

Tine nzira yatinofanira kurarama nayo. Shoko raMwari rinotijekesera nzira iyi. Tine mafungiro atinofanira kuita. Tine mavonero atinofanira kuita hupenyu. Shoko raMwari rinotitaridza zvose izvi. Chimbotarisa zvataverenga mundima yatavhura nayo. Ishe vane zvavari kutiraira mundima iyi. Vanoda kuti tikoshese zvinhu zvekudenga. Havadi kuti tikoshese zvinhu zvenyika ino. Vanoda kuti tinge tiri mudenga. Tichitarisa zvinhu zviri pasi pano.

Izvi zvinondirangaridza zvandakamboudzwa naIshe. Vakandiudza izvi makore akawanda apfuura. Vakanditi, Mwanakomana wangu. Iwe uri pamusoro pegomo. Zvauri kuvona izvo zviri pasi. Ndakanga ndisina kutomboziva kuti ndiri pamusoro pegomo. Asi izvi hazvisi zvinhu zvaunonzwa munyama yako.

Kune vamwe Vatsvene. Vatsvene ava vanoti vari parwendo. Vari kutsvaka kusvika pamusoro pegomo. Asi kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti unotova pamusoro pegomo. Wakamuka pamwe naMuponesi. Pavagere ndipo paugerevo iwe. Panzvimbo iyi ndipo panogara vanhu vane masimba ose. Masimba avo anodarika evabati vose. Anodarika mamwe masimba ose. Saka zvivone semunhu ari mudenga. Rarama semunhu ari kudenga. Ndiko kwaunonatsa kuvona zvinhu uri. Hareruya!

Iwe unozovona zvinhu nomazvo. Wava kugara kumusoro. Zvinhu zvenyika ino hazvichagoni kukukanganisa. Wava kugara mumweya. Ndimo maunovona zvinhu uri. Saka unokurira zvose zvaunosangana nazvo. Wava nemasimba akawanda. Wava kugara uri mutano. Wafuma. Wava kubudirira pane zvaunoita.

Fungisisa zvataverenga muna Vakorose yetatu ndima yepiri. Yati, Pfungwa dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvekudenga. Kwete pazvinhu zvepanyika pano. Gara pfungwa dzako dziri pazvinhu zvekudenga. Zvinhu izvi ndizvo zvaunofanira kushuvira. Ndizvo zvaunofanira kukoshesa. Usakoshesa zvinhu zvenyika ino. Funga semunhu wekudenga. Ndiko kuti ugokurira zvose zvaunosangana nazvo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandisimudza. Mukandigarisa pagere Muponesi. Saka ndava kuvona ndiri kumusoro ikoko. Shungu dzangu dziri pazvinhu zvekudenga. Ndinovona zvinhu nomazvo. Hapana chingandikanganisa panyika pano. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 2 ndima 6
Vafiripi 3 ndima 20
Vahebheru 12 ndima 2

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church