English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Ndiwe Unopa Chiedza KuNyika Ino
China, 5 Gunyana 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino (Johane 9 ndima 5).
Rakanga riri rimwe zuva. Jesu vakanga vari kufamba havo. Vakabva vavona mumwe murume. Murume uyu akanga ari bofu. Akanga atozvarwa ari bofu kudai. Apa Jesu vakanga vaine vadzidzi vavo. Vadzidzi ava vakabva vabvunza Jesu. Vaida kuziva kuti sei murume uyu akanga ari bofu. Ndiye akanga atadza here? Kana kuti vabereki vake ndivo vakanga vatadza? Jesu vakavapindura. Vakati hupofu uhu hwakanga husinei nezvivi zvevanhu ava. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johan 9 ndima 3 kusvika 4 yacho. Asi Jesu vakabva vataura mamwe mashoko. Mashoko acho anoshamisa zvikuru. Tinoavona mundima yeshanu yacho. Inoti, Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino.
Jesu vakabva vaita chimwe chinhu. Chinhu ichi chaishamisa zvikuru. Vakapfira pasi. Ndokubva vakanya ivhu. Ndokubva vatora ivhu riya. Ndokurizorera pameso emurume uyu. Kune vanhu vakatsvaka kunatsa kunzwisisa nyaya iyi. Vanhu ava vanoti murume uyu aisangova bofu chete. Akanga asitorina maziso acho. Kureva kuti Jesu vakanga vashandura ivhu. Vakariita kuti ave maziso. Vakaita izvi mushure mekunge vati, Kana ndichiri panyika kudai. Ndini chiedza chenyika ino. Unoziva zvinoreva mashoko aya here?
Jesu vaisishandisa mashoko anoti, NDINI. Pose apa vakanga vari kutaura zvakanga zvambotaurwa naMwari. Mwari vakanga vamboshandisa mashoko aya zvekare. Vakaashandisa pavakanga vari kutaura naMosesi. Mosesi akanga avabvunza zita ravo. Mwari vakabva vamupindura. Vakati, NDINI UYA ASINGASHANDUKI. Apa Mwari vane zvavakanga vari kutaura kuna Mosesi. Vakanga vari kumuti, Ndinova zvaunoda kuti ndive. Ungada kusungunurwa. Ini ndinobva ndava musungunuri wako. Ungada kuponeswa. Ini ndinova ruponeso rwako. Ungada kuporeswa. Ini ndinova kuporeswa kwako. Chii chaicho chaunoda? INI NDINI ZVAUNODA IZVOZVO.
Zvino Jesu vakativo, NDINI. Vakanga vari kungotauravo saMwari. Vakanga vari kuti, Ndinova zvaunoda kuti ndive. Ivo vakavona murume. Murume uyu akanga asina meso. Ivo vakabva vati, Ndini chiedza chenyika ino. Bhaibheri rinoti, Ziso mwenje. Ndiro mwenje wemuviri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo 6 ndima 22. NaRuka 11 ndima 34. Saka Jesu vakanga vari kuti, Ndini meso enyika ino. Nyika inofanira kuva neni. Zvisizvo haingagoni kuvona. Jesu vakabva vatotaridza kuti ndivo meso enyika pachokwadi. Vakabva vapa murume uyu meso.
Asi hezvinoi zvinoshamisa zvacho. Jesu ava vane mashoko avakazotaura. Tinoaverenga muna Matiyo 5 ndima 14. Vakati, Imi ndimi chiedza chenyika. Kureva kuti iwe wakafanana navo. Newevo unopa nyika meso. Unoita kuti nyika igone kuvona. Nyika inofanira kuva newe. Zvisizvo haingavoni. Iwe ndiwe unopa nyika gwara. Ndiwe unoita kuti ivone zvakajeka. Saka chitaura uchiti, Ini ndini chiedza chenyika ino. Saka ungasangana nemumwe munhu. Munhu uyu angava akasurukirwa. Unogona kumusiya ava kufara. Pangaitavo mumwe munhu. Munhu uyu angava bofu. Iwe ungasvika paari. Anogona kusara ava kuvona. Mumwevo angava ari kurwara. Munhu uyu anogona kusara apora. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Makandiita chiedza munyika ino. Makandishongedza. Saka ndava kugona kuita kuti vanhu vave netariro yezvakanaka. Ndava kugona kuporesa vanhu. Nekuvasungunura. Chiedza chenyu chiri mandiri. Chiedza ichi chinodzinga rima. Ndinokutendai. Makandiita chitubu cherudo rwenyu. Pandiri pava kuwanikwa rugare. Mufaro. Tariro. NeShoko raMwari. Nyika yava kugona kuwana zvinhu izvi pandiri. Inozviwana kunyangwe munyika muine njodzi kudai. Ndinokutendai Baba. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 5 ndima 14 kusvika 16
Vaefeso 5 ndima 8
Vafiripi 2 ndima 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church