Chikunda English English_Etienne Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Iva NeHunhu Hwakanaka

Chipiri, 19 Gunyana 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo. Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa. (Zvirevo 11 ndima 5 kusvika 6).

Genesi 49 ine mashoko ainotipa. Aya mashoko akataurwa naJakobho. Akaataura kuvanakomana vake. Aya ndiwo akanga ari mashoko ake ekupedzisira kwavari. Jakobho akatanga ataura kuna Rubheni. Rubheni uyu ndiye aiva dangwe rake. Akabvuma kuti Rubheni akanga aine zvakawanda zvaaigona. Akati Rubheni akanga ari iye dangwe rake. Paari ndipo paakanga aisa simba rake rekutanga. Akasimbisavo kuti Rubheni uyu ndiye aiva mukuru kuvanun�una vake. Ndiye aiva nemasimba ose.

Asi Jakobho haana kukanganwa hunhu hwaRubheni. Hunhu hwaRubheni hwakanga husina kunaka. Ndihwo hwakazomushaisa zvose zvaifanira kuwana. Izvi ndizvo zvatinovona muna Genesi 49 ndima 3 kusvika 4. Inoti, Rubheni � wakaita semvura. Hauna kugadzikana. Wakavata nemukadzi wababa vako. Ukasiya nhovo yavo yan�hora. Wakavata pandinovata ini. Saka hausi kuzobudirira.

Rubheni ndiye aiva dangwe. Saka ane zvakawanda zvaafanira kuwana. Ane maropafadzo aaifanira kuwana. Ndiye akanga akasimba kudarika vanun�una vake vose. Asi haana kuzowana hukuru hwose uhu.

Hunhu hwako hwakakosha. Mwari vangakuvimbisa zvakawanda. Asi hunhu hwako hunogona kukukonesa kuwana zvinhu zvose izvi. Saka unozongopedzisira waita saRubheni.

Ungaudzwa zviri hupenyu hwako mumweya. Mwari vanenge vari kushuva kuti zvinhu izvi zvive izvo zvinozovonekwavo pahupenyu hwako. Ivo vane zvakanaka zvavakataura pamusoro pako. Vanoda kuti zvinhu izvi zviitike. Asi iwe unofanira kubvuma kutongwa navo. Uye unofanira kurarama nomazvo. Unofanira kurarama mukururama.

Unofanira kurarama nenzira inofadza Mwari. Izvozvo zvakakosha zvikuru. Unofanira kurarama muchiedza chavo. Uye unofanira kuva nehunhu hwakanaka. Izvi zvinokubatsira kunzwisisa mumwe munyengetero waMweya Mutsvene. Vakashandisa Pauro kuunamata. Tinouverenga muna Vaefeso 3 ndima 16. Mweya Mutsvene vakanga vari kuti vanoshuva kuti mweya wako ugwinyiswe. Uchigwinyiswa naMweya Mutsvene. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndava kunzwisisa zvamunofarira. Saka ndava kurarama muchiedza chenyu. Ndava kunzwisisa kukosha kwetsika dzakanaka. Pamwe nekurarama zvakarurama. Ndichitevera Shoko renyu. Ndinokutendai. Mandibatsira kunzwisisa kukosha kwekudzidza kuvanhu vari muMagwaro. Ndichiita zvinhu zvinokudza zita renyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 11 ndima 5 kusvika 6
Zvirevo 20 ndima 11
VaRoma 12 ndima 2 (NIV)

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church