Chikunda English English_Etienne Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Vavariro Yavo Chaiyo

Mugovera, 23 Gunyana 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

Chinova chinhu chiya chakanga chakavanzwa kwenguva dzose dzakapfuura. Nekuvanhu vose vakasiva panyika. Asi ikozvino chakataridzwa kuvatsvene vavo (Vakorose 1 ndima 26).

Jesu vakambouya panyika pano. Havana kungouya kuzofira zvivi zvedu. Vaida kuti isu tive vanakomana vaMwari. Vaida kuti tive vanhu veropa raMwari. Tigofanana navo. Tichifanana navo tiri panyika pano kudai. Tichidyidzana navo. Izvi ndizvo chaizvo zvavaivavarira.

Satani anoziva izvi. Ndizvo zvaanovenga chaizvo. Johane akambotauravo nezvazvo. Tinoverenga mashoko ake muna 1 Johane 5 ndima 11 kusvika 13. Akati, Uhu ndihwo huchapupu hwaMwari. Mwari vakatipa hupenyu husingaperi. Vachitsvaka kuti tive veropa ravo. Zvino hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo. Munhu angava naMwanakomana. Munhu uyu ane hupenyu uhu. Ndeweropa ravo. Asi mumwe angasava naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haana hupenyu uhu. Haasi weropa ravo. Ndakakunyorerai zvinhu izvi. Iyemi vakagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muzive kuti mava nehupenyu husingaperi. Mava veropa raMuponesi.

Kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wava weropa raMwari. Wava werudzi rwaMwari. Muponesi vava kugara mauri. Izvozvo ndizvo zvinoreva kuva Mukristu. Vakorose 1 ndima 26 kusvika 27 inoti, Chinova chinhu chiya chakanga chakavanzwa kwenguva dzose dzakapfuura. Nekuvanhu vose vakasiva panyika. Asi ikozvino chakataridzwa kuvatsvene vavo. Ivo vaya vakasarudzwa naMwari. Vachivasarudza kuti vavazivise kukura kwechakavanzika ichi. Chinova cheVamwari. Chavakarongera vanhu vasiri Vajudha. Chekuti Muponesi agare mamuri. Mugova vanhu verudzi rweVamwari.

Mwari havadi kuti vanhu vararame hupenyu hwenyika ino. Hupenyu uhu hahusi ihwo hwakarongerwa vanhu naMwari. Vanhu vanorarama hupenyu uhu vanofa. Mwari vanoda kuti nyika yose izive izvi. Jesu vakafira munhu wose panyika. Kureva kuti munhu wose anogona kuva weropa raMwari. Saka munhu angagamuchira Muponesi Jesu nhasi. Achibvuma kutongwa naJesu. Munhu uyu anobva ashandurwa rudzi. Anobva aitwa weropa raMwari. Achibva aitwa werudzi rwaMwari. Izvi ndizvo zvaivavarirwa naMuponesi izvi.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makanditaridza hupenyu husingaperi. Ndihwo hupenyu hwandava nahwo. Saka hapachina chichagona kundiparadza. Handichafi. Ndava kugara ndiine mufaro. Ndine rugare. Ndichirarama hupenyu hweVamwari. Ndichitonga nokuti ndava kuzikanwa nezita raMuponesi Jesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 3 ndima 16
VaGaratiya 2 ndima 20
Johane 10 ndima 10 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church