Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Kusaziva Kune Njodzi
Chishanu, 23 Gunyana 2022
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Jesu vakavapindura. Vakati, 'Hamunzwisisi Magwaro. Uye hamunzwisisi kushanda kwaMwari. Ndiko kusaka muchirasika kudai" (Matiyo 22 ndima 29).
Kuziva Magwaro kwakakosha zvikuru. Izvi ndizvo zvatavona mumashoko aJesu. Vakanga vari kutaura kuVajudha. Taverenga mashoko acho muna Matiyo 22 ndima 29. Anoti, "Hamunzwisisi Magwaro. Uye hamunzwisisi kushanda kwaMwari. Ndiko kusaka muchirasika kudai". Mashoko aya akakoshavo kwatiri nhasi. Zvikuru sei kuvashumiri. Vatungamiriri. Nevadzidzisi veShoko raMwari. Vanhu ava vanofanira kuziva Magwaro.
Apa Jesu vakanga vari kutaura kuvatungamiriri. Ava vakanga vari vatungamiriri venyika yose. Ndivo vaitovimbwa navo neVaisiraeri. Vari ivo vaidzidzisa Vaisiraeri ava Shoko raMwari. Saka vatungamiriri ava vaiva vanhu vairemekedzwa zvikuru. Asi vane zvavakanga vasingazivi. Zvinhu zvacho zvakanga zvakatowanda.
Vatungamiriri ava ndivo zvekare vakauraya Muponesi Jesu. Vakavauraya nekusaziva kwavo uku. Vakatuka Ishe. Vakarambidza vanhu kutevera Jesu. Vakavarambidza kugamuchira Jesu ava. Vakabva vauraya Jesu. Vanhu vakavona Jesu vachitukwa. Vachirobwa. Vachiroverwa pamuchinjikwa. Vatungamiriri ava ndivo vakanga vari vanyengeri. Naivo vachitonyengerwavo. Asi Jesu ndivo wavaitora semunyengeri.
Pauro akatsananguravo vatungamiriri ava. Tinoverenga mashoko ake muna 1 Vakorinde 2 ndima 8. Inoti, "Ndidzo pfungwa dziya. Dzisina kuzikanwa nemachinda enyika ino. Nokuti deno akadziziva. Angadero asina kurovera pamuchinjikwa Ishe werudzi rweVamwari". Iye Pauro akatombotamudzwavo nevanhu ava. Ivo vatungamiriri veVajudha ava.
Pane paakanga ari muTesaronika. Akanga aine vamwe vake. Vakanga vari kuparidza havo. Pauro akanga ari muimba yekunamatira. Achiparidza. Vanhu vasiri Vajudha vakabva vagamuchira mashoko ake. Pakaitavo mamwe madzimai akagamuchira mashoko aya. Madzimai aya airemekedzwa zvikuru. Asi izvi hazvina kufadza vatungamiriri veVajudha. Vatungamiriri ava vakabva vamutsa bope muguta iri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa 17. Vajudha ava vaisaziva kuti vanhu vasiri Vajudha vaifanira kuponeswavo. Mwari ndivo vakanga varonga kuti vaponeswe kudai.
Vanhu vanofanira kuziva Magwaro. Zvisizvo vanozoita zvinhu zvakashata. Izvi ndizvo zvinotaurwavo naPauro. Pane paakanga asingazivi Magwaro. Pauro akatambudza Vatsvene panguva iyi. Tinoverenga izvi muna 1 Timoti 1 ndima 12 kusvika 13. Inoti, "Ndinotenda iye Muponesi Jesu. Ishe wedu. Akandipa simba. Nehunyanzvi. Nokuti akandivona ndakatendeka. Akandipinza pabasa rake. Iye ini ndaimbotuka Mwari. Ndichitambudza vatsvene. Ndiri nhubu. Asi ndakanzwirwa tsitsi. Nokuti ndine zvandaisaziva pandaiita zvinhu izvi. Uye ndakanga ndisati ndagamuchira Muponesi".
Unofanira kuziva Shoko raMwari. Dzidza Magwaro. Izvi ndizvo zvinokurudzirwa neBhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna 2 Timoti 2 ndima 15. Inoti, "Shingaira kudzidza. Zvivonekwe kuti wakakodzera kumiririra Mwari. Semushandi wavo. Asina chaanganyara. Asi anonzwisisa Shoko rechokwadi".
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Munoshandisa Shoko renyu kunditungamirira. Muchiita kuti ndirarame hupenyu hwamakandirongera chaihwo. Ndinogara ndakafara nguva dzose. Ndichiziva kuti muri kushanda neni. Muri kushanda mandiri. Muchiita kuti ndiite chaizvo zvamunoda. Ndinodzidza Magwaro nhasi. Saka meso angu anovhurika. Ndichiwedzera kuziva. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 18 ndima 15 (AMPC)
Johane 5 ndima 39
2 Timoti 2 ndima 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church