English
Manyika
Ndau
Shona
Kunamata NeNdimi Ndiko Kwakakosha
Chishanu, 29 Gunyana 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Asi imi. Hama dzangu. Garai muchinamata. Makagarwa naMweya Mutsvene. Ndiko kuti mweya yenyu iwedzere kugona kuvimba naMwari (Jude 1 ndima 20).
Iwe ungada kuzvivandudza. Uchitsvaka kuva nyanzvi muzvinhu zvemweya. Magwaro anotizivisa zvaunofanira kuita. Anoti unofanira kugara uchinamata nendimi. Unozobatsirika zvisinei kuti chauri kushuvira chaicho ndechipi. Hungava hutano hwakanaka. Kana kubudirira padzidzo. Kana pabasa. Kana kuwana mari yakawanda.
Kunyangwe uchirwira mweya yevanhu. Kana kuti uchinyengeterera vasiri kugona kunzwisisa Shoko raMwari. Kana kuti vasinganzwisisi zvinhu zvemweya. Namata nendimi. Kunamata kwakadai kunobatsira zvikuru. Iwe unganamata nendimi. Mweya Mutsvene vanozoita kuti ugone kuvona zviri mumweya. Uchizoziva chaizvo zvekuita kugadzirisa zvinhu. Unozoziva chaizvo zvekutaura kumunhu. Nezvaunofanira kuita chaizvo.
Unofaniravo kudzidza kupa Ishe nguva yekutaura newe. Vape nguva yekutaura newe uchitaura nendimi kudai. Ipapo ndipo paunozotaridzwa gwara rekufamba naro. Dzimwe nguva unganamata kwenguva refu. Wobva wanzwa kuti zvinhu zvagadzirika mumweya. Asi zvisiri kuvonekwa kushanduka. Sei zvichidai? Panogona kunge paine zvinhu zvaunenge wakafanira kuita. Iwe unogona kunge wanga usati waziva izvi. Kana kuti unenge usati wazviita.
Mapisarema 25 ndima 14 kusvika 15 inoti, Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure. Saka Mwari vane mazano avakakuchengetera. Asi iwe unofanira kuwana mazano aya. Ugoashandisa muzvinhu zvako. Zvisizvo hapana chinoshanduka muhupenyu hwako.
Saka iwe ungada kugadzirisa zvinhu muhupenyu hwako. Unofanira kutaura nedzimwe ndimi. Unozowanavo mazano aMwari. Mazano aya ndiwo anozokutungamirira. Uchizoziva kuti wadavidzwa.
Namata Uchiti
Ndinozvipa nguva yekutaura nendimi nhasi. Saka ndinovandudzwa. Ndinovakwa. Ndinosimbiswa. Hunyanzvi hwangu hwekuita zvinhu mumweya hunowedzera. Ndichibudirira muzvinhu zvose zvehupenyu hwangu. Ndinonzwa zvinotaura Mweya Mutsvene. Ndinovanzwa pose pavanondisunda. Ndichivatevera nemoyo wangu wose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 VaKorinte 14 ndima 2 AMPC
1 VaKorinte 14 ndima 18
Jude 1 ndima 20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church