English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Kururama Kune Zvinhu Zvitatu Zvakakosha
Chipiri, 1 Gumiguru 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi (Varoma 5 ndima 17).
Hunhu hwaMwari hunogona kutsanangurwa nenzira dzakawanda. Imwe yetsananguro yacho ndeinotaridza kururama kwavo. Mwari vakarurama. Ndiko kusaka vasingapotsi. Ndiko kusaka vachingoita zvakanaka chete. Mwari havagoni kuita zvinhu zvakashata. Havagoni kupotsa. Ivo ndiMwari. Zvavanoita ivo ndizvo zvakanaka zvacho. Havabiridziri. Havapotsi. Havakanganisi. Havaresvi.
Kururama uku kunogonavo kuiswa mumweya wemunhu. Izvi zvinobva zvaita kuti munhu uyu afanane naMwari. Agonevo kuita zvakanaka chete. Asapotsa. Asakanganisa. Asabiridzira. Ichi ndicho chechipiri chatinovona pakururama. Mwari vanongotipa kururama kwavo. Hatifaniri kuita kwekushandira. Mwari vanoisa kururama uku mumweya wemunhu. Munhu uyu anobva atorurama saMwari. Moyo wake unobva waziva zvakarurama. Unobva watanga kugona kufunga zvakanaka chete.
Kururama ndiko kunoita kuti munhu agone kugamuchirwa naMwari. Ndiko kunoita kuti munhu agone kumira pamberi paMwari. Ichi ndicho chechitatu chatinovona pakururama. Munhu uyu anozomira pamberi paMwari asinganzwi semunhu akatukwa. Kana semunhu asina kukodzera. Munhu wenyama haagoni kungomira pamberi paMwari. Mwari ndivo vanofanira kutanga vamugamuchira. Vamupa simba rekumira pamberi pavo. Achizotaura navo asingatyi. Asinganzwi seasina kukodzera. Kana seakatukwa.
Asi mumwe angabvunza achiti, Ko kana ndichinzwa sendisina kukodzera kumira pamberi paMwari? Hongu. Iwe unganzwa hako seune mhosva yawakapara. Unganzwa hako seusina kukodzera kumira pamberi paMwari. Asi izvozvo hazvirevi kuti unenge uchitova nemhosva yawakapara. Hazvirevi kui unenge wakatotukwa pachokwadi. Hazvirevi kuti unenge usina kukodzera kumira pamberi pavo. Saka unenge wakafanira kutarisa muShoko raMwari pakadai. Woridzidza zvakadzama. Uchigara pfungwa dzako dziri pariri. Shoko iri ndiro rinozobvisa pfungwa idzi mauri. Richiita kuti usaramba uchizvivona semunhu ane mhosva yaakapara.
Shoko raMwari rinosuka. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 15 ndima 3. Shoko raMwari iri rinokupavo simba rekuvimba naMwari. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa 20 ndima 32. 1 Johane 3 ndima 20 inotivo, Nokuti kana moyo yedu ichitipa mhosva. Mwari vakuru. Vakadarika moyo yedu. Uye ndivo vanoziva zvinhu zvose. Shoko raMwari iguru. Rinodarika zvaunganzwa nenyama yako. Ndiro rinovhura meso emweya wako. Richiita kuti uzive kuti wava munhu werudzi rupi. Nokudaro rinoita kuti usanzwa semunhu ane mhosva yaakapara. Rinoita kuti usazvivona semunhu asina kukodzera kumira pamberi paMwari. Rinoita kuti ugutsikane kuti Mwari vanokufarira. Hareruya!
Namata Uchiti
Ndinokutendai Ishe. Makandipa kururama kwenyu. Ndava munhu werudzi rwenyu zvino. Saka ndinofara. Ndarurama semi zvino. Saka ndava kugona kuita zvinhu nomazvo. Ndava kugona kuita zvinhu zvakanaka. Ndichigona kumira pamberi penyu. Ndinomirapo ndisina chandinotya. Ndisinganzwi sendine mhosva yandakapara. Kana semunhu asina kukodzera kumira pamberi penyu. Shoko renyu rinondipa mafungiro aMweya Mutsvene. Saka ndinorarama semunhu akashinga. Ndichiziva kuti ndakarurama semi. Hareruya!
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 21
Vafiripi 3 ndima 9
VaRoma 8 ndima 1 kusvika 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church