English Manyika Ndau Shona 


Uyu Mutemo Wakadzama Zvikuru

Chipiri, 21 Mbudzi 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

Musakara mari pahupenyu hwenyu. Asi gutsikanai nezvamunazvo. Nokuti Mwari vakati, Handisi kuzokusiya. Handisi kuzokurasa. Saka isuvo tinotaura. Takashinga. Tichiti, Ishe ndivo vanondibatsira. Hapana chandingaitirwa nemunhu chandingatya (Vahebheru 13 ndima 5 kusvika 6).

Ndima yatavhura nayo ine chainotidzidzisa. Chinhu ichi tinochivona panoperera ndima yetanhatu yacho. Isu tinofanira kunzwisisa chinhu ichi. Zvinozoita kuti tigone kuita zvinhu zvinoshamisa. Ndechinoti, nokuti Mwari vakati saka nesuvo tinotaura. Takashinga. Tichiti . Kureva kuti Mwari vakatipa Shoko ravo. Vakatipa kuti rigotibatsira kuziva zvekutaura. Tichitaura zvinhu izvi takashinga. Tichitaura kudai sevanhu vanobvumirana neShoko ravo iri.

Iwe unofanira kutaura semunhu anowirirana naMwari. Ndiko kuti uwane maropafadzo avo. Ngativerenge zvekare ndima yatavhura nayo. Yati, Nokuti Mwari vakati, Handisi kuzokusiya. Handisi kuzokurasa. Saka isuvo tinotaura. Takashinga. Tichiti, Ishe ndivo vanondibatsira. Hapana chandingaitirwa nemunhu chandingatya . Ndima iyi haiti, Nokuti Mwari vakati saka isuvo tinotaura. Takadzikama. Tichiti . Kwete! Iwe unofanira kutaura wakashinga. Uchitaura semunhu anobvumirana neShoko raMwari.

Unofanira kutaura zvakataurwa naMwari. Uchizvitaura semunhu anobvumirana nazvo. Ikoko ndiko kuvimba naMwari. Saka unogona kutora ndima yatavhura nayo iyi. Woti, Ishe vari kundibatsira. Vakati havasi kuzondisiya ndisina mubatsiri. Saka ndiri kubatsirwa nedenga . Iwe unofanira kutora zvavanenge vakataura nenzira iyi. Wozvigamuchira. Wobva wazvitaura. Unozogara uchikunda kana ukadai.

Unogona kutora mashoko akataurwa naIshe Jesu. Tinoawana muna Matiyo 28 ndima 20. Inoti, Ini ndichange ndiinemi. Kose kwamuchaenda. Kusvikira nyika ino yaguma . Wobva wataura uchiti, Ndinopupura kuti Ishe vaneni. Saka handina chandinotya. Ndinofarirwa. Ndinokunda. Ndinotonga zvinhu zvose zvandinosangana nazvo.

Chitanga kutaura mashoko ikozvino. Mataure wakamira pane zvakataurwa naMwari. Taura uchiti, Ndakapiwa fuma yakawanda. Izvi ndizvo zvandinoona muna 2 Vakorinde 9 ndima 8. Ndine zvose zvinodiwa pakurarama nepakunamata Mwari. Izvi ndizvo zvandinovona muna 2 Pita 1 ndima 3. Hapana chombo chingandirwisa chikandiparadza. Muponesi ndivo vanondipa simba. Saka ndinogona kuita zvinhu zvose. Ameni . Gara uchitaura nenzira yakadai. Unozotanga kurarama semukundi. Uchikurira masimba enyika ino.

Namata Uchiti
Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ndinotonga zvose zvinotsvaka kundikanganisa. Ndigere pamwe chete naMuponesi. Saka ndinotaura semunhu ane masimba aMuponesi. Ndiri mutano. Ndakasimba. Ndakafuma. Ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Zvinhu zvangu zvose zvinobudirira. Nyasha dzaMwari dzinogara dzichiwedzerwa pandiri. Nyasha idzi dzinondiita munhu mukuru. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi ndima
Mariko 11 ndima 23
2 Vakorinde 4 ndima 13
Varoma 10 ndima 8 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church