English Ndau Shona 

Vanoshandisa Shoko Ravo Kukwezva Vanhu

Chitatu, 4 Zvita 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munhu haangauyi kwandiri. Kunze kwekuti Baba vamukweva ivo. (Johane 6 ndima 44).

Mwari ndivo vanokwevera vanhu kwavari. Asi vanoshandisa Shoko ravo kukweva vanhu ava. Izvi ndizvo zvakatsanangurwa naIshe Jesu. Tinoverenga mashoko avo muna Johane 6 ndima 45. Inoti, Vavoni vakanyora. Vakati, Vose vachadzidziswa naMwari. Saka munhu anganzwa nezvaBaba. Angadzidza pamusoro pavo. Munhu akadai anouya kwandiri. Varoma 10 ndima 17 inoti, Saka ruvimbo runouya nekunzwa. Kunzwa kunouya neShoko raMwari. Saka vanhu vanofanira kunzwa shoko reRuponeso. Vorigamuchira nemweya yavo. Vanhu ava ndivo vanobva vakweverwa kuna Jesu.

Izvi ndizvo zvatinovonavo muna Varoma 10 ndima 14. Ndiko kusaka tichifanira kuparidzira vanhu shoko reRuponeso. Tinenge tiri kutopa vanhu mikana yekukweverwa kuna Mwari. Saka iwe chiwedzera kuparidzira vanhu shoko reRuponeso. Riparidze uchiziva kuti ndiro rinounza vanhu kuna Mwari.

Aya ndiwo akanga ari mafungiro aPauro. Tinoavona muna Varoma 1 ndima 16 kusvika 17. Apa akanga ari kutaura pamusoro peshoko reRuponeso iri. Akati shoko iri rinotova simba. Ndiro simba rinoshandiswa naMwari kuponesa vanhu. Ndiko kusaka Pauro aiparidza shoko iri. Airiparidza akashinga. Achipotedza matunhu akawanda. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma 15 ndima 19. Inoti, kubva Jerusarema. Tichipotedza kusvika Iririkamu. Ndakaparidza ruponeso rwaJesu. Pauro aitopota achisangana nenjodzi mukuparidza kwake uku.

Pauro ane mamwe mashoko aakataura zvekare. Apa akanga ari kuwonekana neVatsvene vepaEfeso. Akanga ava kupedzisa basa rake. Iro basa raakanga ari kuita panyika pano. Mashoko ake aya anozokutuma kuparidzavo shoko reRuponeso. Anozoita kuti unyengeterere kuponeswa kwevanhu. Unotozonyengetera kudai uchichema. Verenga mashoko acho aya. Ari muna Mabasa 20 ndima 18 kusvika 27. Shoko reRuponeso ndiro roga rinoponesa. Hapana rimwe shoko rinoponesa.

Iwe unofaniravo kutevedzera Pauro uyu. Zvipire kusvitsa shoko reRuponeso kuvanhu. Ritaure kubasa kwako. Ritaure pose paunofamba. Ritaure kunzvimbo yaunogara. Iwe une vanhu vaunogara uchisangana navo. Mwari ndivo vanokusanganisa nevanhu vose ava. Ndivo vanokuendesa kunzvimbo dzaunoenda idzi. Vanenge vasiri kutsvaka kuti ungobatsirika chete. Vanenge vari kukupa mikana yekuparidzira vanhu shoko reRuponeso. Saka ungasangana nevanhu. Paridzira vanhu ava shoko reRuponeso. Ungasangana nevanhu. Ita kuti vanhu ava vazive Muponesi Jesu. Ndizvo zvaunenge watosanganira nevanhu ivavo. Mwari ndivo vanenge vakusanganisa navo. Vanenge vari kutsvaka kukwevera vanhu ivavo kwavari. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Shoko renyu ndiro rinokwevera vanhu kwamuri. Rinovakweva kudai kana richinge raparidzwa kwavari. Saka ndinoparidzira vanhu shoko reRuponeso. Ndivaparidzira ndakashinga. Imi ndimi munondisanganisa nevanhu. Munenge muchida kuti ndipinze vanhu ava munyika yenyu. Mweya venyu vari kundishongedza. Vari kundishongedzera kuparidza nyasha dzenyu kunyika ino. Iyo nyika inorwadza kudai. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Marko 16 ndima 15 kusvika 16
Mabasa 1 ndima 8
Matiyo 28 ndima 19 kusvika 20
Varoma 1 ndima 16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church