English Manyika Shona 

Simba Rekuporesa

Chipiri, 16 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zviro izvi ndizvo zvishateyera awo wangonga watenda mandiri.....washayisa mawoko pane warukonzwa wayibva wapora. (Mariko 16 ndima 17 kusvika 18).

Ungoziwa yere kuti pakuporesa warukonzwa,tife tidonzi ndiMwari tiyite izvezvo? Wadotipa simba rekuporesa. Mundima yatawamba ndiyo Tenzi Jeso hawana kuti wangotenda washanamata kwaari kuti waporese warukonzwaba; wadoti kwako,washayisa mawoko pane warukonzwa, warukonzwa awa wayibva wapora.

Muna Ruka 10 ndima 9, adonatsa kutawura izvezvo paadotuma wadzidzi washe kowoparidza vhangeri. Adoti, "......poresani warukonzwa ......muti kwawari, huMambo hwaMwari hwawuya pasho nemwe." Adowatawurirazve muna Matewu 10 ndima 7 kusvika 8 ayiti, Pamungoyenda,paridzani,muyiti, huMambo hwekudenga hwati pasho.Poresani warukonzwa,chenesani wane maperembudzi, mutsani wadopfa, dzingani ngekuburitsa madhimoni. Mudogashira pasina mubhadharoba,ipaniwo pasina mubhadharoba.

Jeso hawana kutiba, namatirani warukonzwa; asi adoti kwako, poresani warukonzwa. Hareruya! Muna Mabasa 3, Pita adopangidza simba rekuporesa iri paadosongana ngemwamuna adonga adoremara shibarirwe shashe pamusuwo weTemberi. Nyaya yacho iri pana Mabasa 3 ndima 6, adoti, "Sirivha ngendarama handinaba,asi shandinasho ndisho ndingokupa,muZita raJeso Kristo weNazareta, sumuka ufambe" Ishi shidonga shisiri shikumbiroba kana kuti munamato. Pita adondoyita zvidotawurwa ndiTenzi. Adosenzesa Zita raJeso tsechombo shihombe.

Muna mabasa 3 ndima 16, angonyatsa kupangidza simba riri muZita raJeso paadoti rutendo muZita rashe ndiko kudonga kwaporesa mwamuna adonga adoremara uyu: Zvino Zita rashe, kuburikidza ngekutenda muZita rashe, kwayita kuti mwamuna uyu agwinye, wamuruwona ngekuziwa uyu; ehunde rutendo rungobva kwaari ndirwo rwaporesa zvidonaka kusharezvi pamberi panu metse."

Shina shezviro zvidonaka pamutsoro peshiKristo shikomborero shekusenzesa Zita raJeso. Ukatawura uyirayira kupora pane arukonzwa,muZita rashe,masoko ako angosenza,ayiburitsa zvawungonga watawura izvezvo chayizvo. Kana zvinozvi,itotawura pamutsoro pehutano hwako ngehwewadikanwi wako MuZita raJeso. Tawura kupora kwewadowanda warukonzwa nyamusi ngewari muzvipatara. Hareruya!

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekundipa simba riri pamutemo rekusenzesa Zita raJeso kuporesa warukonzwa. Zvinozvi ndingorayira kupora kune wadowanda wari muzvipatara watosiyiwa kuti wapfe. Runyorwa rwerufu pamutsoro pawo ndingorubvisa ,waporeswa ,wadzika muhutano chayihwo hwawangofanira kuwa nahwo. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Ruka 9 ndima 2
Mabasa 3 ndima 1 kusvika 8
VaFiripi 2 ndima 9 kusvika 11

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church