English Manyika Shona 


Kurarama MuSoko Kudokosha

Chitatu, 17 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Saka kutenda kungowuya ngekunzwa, kunzwa kungowuya ngeSoko raMwari." (WaRoma 10 ndima 17)

Zvidokosha kuziwa kuti tsandi munhu wetseba ari panyika panapa ashazazitsa shinangwa shaadopiwa ndiMwari. Wadowanda hawaziwi kuti Mwari wane hurongwa hudosiyana hwemunhu wega wega adobarwa panyika panapa. Munhu wega wega ane zviro zviyiri zvingoyitika kwaari: hupenyu hungowumbwa ngezviro zvidoyita tsekubarwa,mhuri,zvidotenderedza ngezvinawo. Ngehupenyu hwekunga Jeso wayita mambo wehupenyu hwemunhu iyeye. Kubva ipapo ndiye angonga atutonga hupenyu hwacho.

Soko raMwari ringofanira kuwa iro shiyedza shingotungamirira hupenyu hwako. Petse pawungonzwa Soko,kutenda kungoyiswa mawuri. Kuburikidza ngekutenda uku ungofadza Mwari,uyimusenzera, ngekuyita zvingoyenderana ngekuda kwawo; ungobva wazazitsa shinangwa shaMwari shehupenyu hwako.

Bhayibheri ringoti muna Jemusi 1 ndima 18," Ngekuda kwashe adotibara ngeSoko rediko, kuti tiwe zvibarwa zvekutanga zvezvisikwa zvashe." 1 Pita 1 ndima 23 ingoti, "Kubarwa patsva hayikona ngembewu ingoworaba asi isingaworiba ngeSoko raMwari ringorarama ngekukara kusingaperiba.

Tsemunhu adobarwa ngeSoko,kukara muSoko kudokoshetsa pakuzazitsa shinangwa shako muhupenyu. Soko ringosimbisa rutendo rwako ngekukutungamirira ngekukutisa mwiya wako. Ndiro hupenyu hwako. Mwari ngawakudzwe!

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngesimba ringotsandura hupenyu reSoko ranu. Rutendo rurupfutswa ngekupfuta umo ndiri. Ndidowakirirwa, ndine simba ngekugwinyiswa kuti ndizazitse hurongwa ngeshinangwa shanu shehupenyu hwangu. Ndingofamba pamwepo ngeSoko ranu; saka ndingotungamirirwa ngekuda kwanu kudonaka kuzazitsa shinangwa shamunasho shehupenyu hwangu. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Mapisarema 119 ndima 105
Jemusi 1 ndima 22
Mabasa 20 ndima 32

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church