English Manyika Ndau Shona 


Kunaka Kusina Shidokanganisikaba

Chishanu, 26 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"MuZita rashe kuburikidza ngekutenda muZita rashe ndiko kwaporesa mwamuna uyu,wamuruwona wamungoziwa; ehunde, kutenda kungobva kwaari ndiko kwamupa kukwana kudonaka kusharezvi pamberi panu metse." (Mabasa 3 ndima 16).

Manzwi ekuti, kukwana kudonaka ari mundima yatavhura ndiyo angonga kunzwi reshiGiriki ringoti holokle?ria ringotawura kuwa ngehutano; hutano husina kana ndawa inganyi hayo. Ndisho shido shaMwari kwawuri ishesho,ndisho shina shemakomborero adowanda ekurarama muZita, ngeZita raJeso.

Jemusi 1 ndima 4 ingoburitsa nzero dzimwedzo payingotawura ngezve"kukwana kudozara,usina shawungoshayaba." Kuti izvi zviyitike,Mwari wadotipa Mwiya Mutsvene, Mwiya wehupenyu,kuti tikare tidonaka zvidokwana. WaRoma 8 ndima 11 ingoti, Asi kana Mwiya weuyo adomutsa Jeso kubva kuwapfi ayikara mamuri,iyeye adomutsa Kristo kubva kuwapfi ashararamisa mwiri yanu ingopfa ndiMwiya angokara mamuri iyeye. Hareruya!

Ndima yegumi yacho mushikamu shatawerenga isho, muBhayibheri reNIV ingoti , Zvino kana Kristo ari mamuri, zvisinenyi hazvo kuti mwiri yanu ingopfa ngekuda kwerutadzo, Mwiya angopa hupenyu ngekuda kwekururama. Kristo mawuri, Mwiya Mutsvene mawuri zvingokupa kunaka kudokwana kweMwiya ngemwiri.

Zvingotitondedza kusongana kwaPita naEneyasi uyo adonga adoremara kwemakore masere. Pita adondoti basi kwaari, Eneyasi, Jeso Kristo angokunatsa: sumuka ugadzire bonde rako. Adobva asumuka ipapo ipapo. Nyaya iyi iri pana Mabasa 9 ndima 34. Eneyasi adodzoserwa pakukwana kwehutano ngekuti Pita adonzwisisa simba reZita raJeso Kristo ringokara matiri.

TsemuKristo, Kristo angokara mawuri, iwewe ungokara maari. Rutendo rwako muZita rashe ngekuziwa ngezvekukariramo kwashe mawuri kungoyita kuti ukare uri mukunaka kudokwana. Mwari ngawakudzwe!

Munamato

Baba wekudenga wandingoda, ndingokutendani ngekundinatsa ngekukwana,ndisina shandingoshayaba. Ndidorurama,ndingoyera, handina mhosvaba mumadziso anu,zviyipa mbiri ngerumbidzo reZita ranu. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
1 Vatesaronika 5 ndima 23
Jemusi 1 ndima 4 AMPC

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church