English Manyika Shona 


Zvakakosha Kuti Urarame MuShoko RaMwari

Chitatu, 17 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka ruvimbo runouya nekunzwa. Kunzwa kunouya neShoko raMwari (Varoma 10 ndima 17)

Mwari vane hupenyu hwavakarongera mumwe nemumwe wedu. Asi haasi munhu wose achararama hupenyu uhu. Vakawanda havatozivi kuti Mwari vane zvavakavarongera. Saka vanongorarama hupenyu hwenyika ino. Saka munhu anogona kurarama hupenyu hwenyika ino. Ihwo hupenyu huya hwaanopiwa nenyika yake. Kana kuti anogona kurarama hupenyu hwaakarongerwa naMwari. Asi hupenyu uhu hunoraramiwa nevaya vanenge vabvuma kutongwa naJesu.

Shoko raMwari ndiro rinofanira kutungamirira hupenyu hwako. Saka unganzwa Shoko raMwari. Unobva wawedzerwa simba rekuvimba naMwari. Izvi zvinobva zvaita kuti ugone kufadza Mwari. Uchivashumira. Uchiita zvinhu nenzira yavanofarira ivo. Pamwe nekuita mabasa avakaronga kuti uite panyika.

Jemusi 1 ndima 18 inoti, Ndivo vakasarudza voga kutizvara. Vachishandisa Shoko ravo rechokwadi. Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose. 1 Pita 1 ndima 23 inoti, Nokuti makazvarwa patsva. Kechipiri. Musingazvarwi nembeu inovora. Asi isingavori. Inova Shoko raMwari. Benyu. Rinogara nekusingaperi.

Shoko raMwari ndiro rakakuzvara. Saka hazvigoni kuti urarame usina Shoko iri. Shoko raMwari rinosimbisa ruvimbo rwako muna Mwari. Rinotungamirira mweya wako. Ndiro kudya kwemweya wako. Shoko raMwari ndihwo hupenyu hwako. Mwari ngavarumbidzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rine simba. Simba iri rinogadzirisa hupenyu. Ndinogamuchira Shoko iri nhasi. Nokudero ndinowedzerwa simba rekuvimba naMwari. Uye ndinodzivirirwa. Ndinogwinyiswa. Ndinosimbiswa. Zvichiita kuti ndigone kurarama hupenyu hwandakarongerwa naMwari. Ndichiita zvose zvamakandirongera muhupenyu. Ndinorarama neShoko renyu. Saka ndinoita zvinokufadzai chete. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mapisarema 119 ndima 105
Jemusi 1 ndima 22
Mabasa 20 ndima 32

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church