English Manyika Ndau Shona 


Runako. Rusina Pakatsveyama

Chishanu, 26 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zita rake ndiro rasimudza munhu uyu. Wamunovona mose. Wamunoziva. Agamuchira zita raJesu. Ndiko kusaka aporeswa. Akanaka zvamunovona mose kudai (Mabasa 3 ndima 16).

Mundima iyi mune shoko rinoti, kunaka. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, holokleria. Rinoreva hutano hwakanaka. Rinoreva kusava nepanorwadza. Izvi ndizvo zvaunoshuvirwa naMwari. Ndicho chimwe chezviropafadzo zvekurarama muzita raJesu. Uchizikanwa nezita iri.

Jemusi 1 ndima 4 inotaura zvinoda kufanana neizvi. Inotaura nezvekunge tiri vanhu vakakwana. Vanogona kuita zvinhu zvose. Vasina chavanoshaiwa. Mundima iyi mune shoko rinoti, kukwana. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko racho nderinoti, holokleros. Shoko iri rinobva pane riya rinoti, holokleria. Rinotauravo nezve runako. Runako rwacho rusina pakatsveyama. Uhu hupenyu hunoshamisa chose.

Saka Mwari vanoda kuti unge wakakwana. Wakanaka. Usina zvinonetsa. Usina pakatsveyama. Usina panorwadza. Ndiko kusaka vakatipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava ndivo mweya vanoraramisa zvinhu. Ndivo vanotichengeta tiri vatano kudai. Varoma 8 ndima 11 inoti, Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa. Hareruya!

Ndima yegumi yacho inoti, Zvino kana Muponesi vari mukati menyu. Kunyangwe miviri yenyu yakafa hayo. Nokuda kwezvivi. Inoraramiswa naMweya Mutsvene. Nokuda kwekururama. Mweya Mutsvene vari mauri. Kureva kuti Muponesi vari mauri. Nokudero mweya wako une hutano hwakanaka. Moyo wako une hutano hwakanaka. Nemuviri wako une hutano hwakanaka.

Izvi zvinotirangaridza imwe nhoroondo. Iyi inhoroondo yaPita. Pita akasangana nemumwe murume. Murume uyu ainzi Eniyasi. Eniyasi uyu akanga akaremara. Akanga ava nemakore masere akaremara kudai. Pita haana kunamatira Eniyasi uyu. Akangoti kwaari, Eniyasi. Handiti una Muponesi Jesu? Ndivo vanoporesa ivavo. Saka simuka! Ugadzire nhovo yako!. Eniyasi akabva atosimuka. Tinoverenga mashoko aPita aya muna Mabasa 9 ndima 34. Zita raJesu rine simba guru. Rinokurira zvinhu zvose. Zvekare, Muponesi vava kugara matiri. Vari kushanda vari matiri. Pita akanga achinzwisisa izvi. Ndiko kusaka akagona kuporesa Eniyasi. Akamusiya ava mutano.

Iwe ungava Mukristu. Izvi zvinoreva kuti Muponesi vanogara mauri. Newevo unogara muna Muponesi. Unofanira kuvimba nezita raJesu iri. Rarama semunhu anoziva kuti akatakura Jesu. Izvozvo zvinozoita kuti ugare uri mutano. Wakanaka. Wakakwana. Usina chakatsveyama pauri. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti
Baba vekudenga vandinoda. Ndinokutendai. Munoita kuti ndigare ndiri mutano. Ndakakwana. Ndisina chakatsveyama pandiri. Ndisina chandinoshaiwa. Ndakarurama. Ndiri munhu werudzi rweVamwari. Handina mhosva yandingapomerwa. Nokudero zita renyu rinokudzwa. Rinorumbidzwa. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vatesaronika 5 ndima 23
Jemusi 1 ndima 4 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church